Uncategorized

Kubatanidzwa kwemutemo wewanano newemaWiri

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu

Munhu anonyora Wiri anenge aine kodzero yemidziyo yake kuburikidza nemutemo weWills Act (Chapter 6:06). Pane kudyidzana pakati peWiri newanano nekuti munhu ane kodzero yekugovera midziyo yake kuvanhu vaanoda kuti vawaniswe.ZIRA yekunyora maWiri inoita kuti munhu ange achisarudza zvaanoda maringe nenyaya yekuti pfuma yake inge ichogoverwa kana achinge afa, zvikuru kumudzimai nevana.

Kunyorwa kwemaWiri (Wills Act Section 5(3) (a) kune donzvo rekuti mudzimai kana murume ari muwanano ange achiwana migove yenhaka. Saka izvi zvinoreva kuti mudikani anofanira kuwana mugove wake zvisinei nekuti Wiri iripo here kana kuti kwete.

Iri idambudziko riri mumatare edzimhosva apo mudikani anogona kurambidzwa kuti awane migove yenhaka nekuda kwekuti anenge asina kunyorwa paWiri kuti ane kodzero iyi.

Vamwe vatongi vanoti kana mudziyo wakanyoreswa muzita remudikani ndipo paanokwanisa bedzi kuushandisa nenzira yaanoda.

Tichitarisa nhorowondo iyi, tinoona zvakakosha kuti pane kudyidzana pakati pewanano nemagoverwo anofanira kuitwa nhaka.

Kana wanano dzese dzichiitwa pasingatariswe midziyo, kureva kuti kana midziyo isina kunyoreswa pamwechete inofanira kunge iri yemunhu anenge akanyoresa akazvimirira.

Muridzi wemidziyo iyoyo ndiye bedzi ane kodzero yekuitengesa pasina kumbosuma mudikani wake. Panguva imwecheteyo, chikamu chebumbiro remutemo cheSection 26 chinoti panofanira kuva nekuenzaniswa kwekodzero munguva yekuroorana kusvika pakuzoparadzana.

Pakugadzirwa kwemitemo yewanano, panofanira kutariswa zvakare nyaya yekugoverwa kwemidziyo.

Munguva zhinji kana wananano yaparara, varume vanowanikwa vachienda nemidziyo yakadai sedzimba nemakambani kana zvichienzaniswa nemadzimai. Ichi ndicho chikonzero neyi varume vaine midziyo yakawanda kupinda madzimai.

Gwaro riri pakati pekubikwa kuti rizove mutemo  wewanano reMarriage Bill rinotaura nezvekuenzaniswa kwemikana nechengetedzo uye nezvevanhu vanochaya mapoto nekuwaniswa kwekodzero yemudziyo.

Kureva kuti kusvika murufu, mutemo uyu unofanira kuramba uchienderera mberi takatarisa nyaya dzekodzero yemidziyo.

Kuti mitemo yewanano idzikwe, pane zvakawanda zvinofanira kuitwa pakugadziriswa kwemitemo muZimbabwe. Pasina kutarisa kodzero dzevadikani muwanano nepanguva yekuparara kwewanano kana rufu.

Mikaha inoramba iri pakati pemitemo iyi zvinobva zvakanganisa kunyangwe vatongi pamabatiro ebasa ravo kana mitemo iyi ichinge isina kugadziriswa kuti ive yakazara. Kureva kuti kodzero yemidziyo inofanira kufambirana nemitemo yewanano.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>