Kubviswa kwemutemo wekutapurira HIV uchiziva

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Kubviswa kwemutemo wekutapurira HIV uchiziva

Kwayedza

Danai Chirawu
CHIKAMU D chemutemo weCriminal code chinoona nenyaya dzekutapurirwa utachiona hweHIV takatarisa mhosva dzine chekuita nenyaya dzepabonde.

Section 79 inotaura nezvekutapurira HIV uchida uye kana uchinge wabatwa nemhosva pane zvinhu zvinotariswa.

  1. Kuziva kuti munhu anga ane utachiona
  2. Kuona kuti pane mikana yekuti munhu iyeye ane utachiona
  3. Kuita chinhu chese kana kubvumira kuti zvimwe zvinhu zviitwe iwe uchiziva kuti pane mikana yekutapurira mumwe munhu utachiona hweHIV.

Mutemo uyu, haurevi kuti munhu anofanira kunge atapurirwa utachiona nemusungwa asi kuti kana vachinge vaita zvimwe zvinhu zvinovanenekedza kuti vange vachipinda panyatwa nekutapurirwa utachiona itori mhosva.

Munhu anobatwa nemhosva yekuda kutapurira utachiona hweHIV anogona kupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 20. Vanhu vari muwanano vanobatwa zvakare nemutemo uyu saka hapana mikana yekuti munhu ati mhosva yakaparwa panguva iyo taiva murudo tichipanana bonde.

Section 53 yegwaro remutemo unoona nezvewanano reMarriage Bill ine chinangwa chekuti mutemo uyu ubviswe uye kune zvakawanda zvakaitwa kusvika pazotorwa matanho aya.

Pasati patorwa matanho aya, dare reParamende rakatanga ratarisa zvinotevera.

  1. Kuti HIV zvinorevei, utachiona hunokanganisa utano hwemuviri kuti ukwanise kurwisa zvirwere.
  2. Utachiona hweHIV hunokanganisa macells anonzi CD4 zvichideredza utano hwemuviri.
  3. Kana utachiona hweHIV hukasiiwa husina kurapwa kwemakore gumi kana kuti gumi nemashanu hunoparadza utano hwemunhu zvichienderana nezera remunhu kana utano hwake.
  4. Acquired Immune Deficiency Syndrome (AIDS) hausi utachiona asi kuti zviratidzo zvakasiyana zvinokonzerwa neHIV. Ndicho chikamu chekupedzisira cheHIV.
  5. HIV parizvino haisati yawanirwa mushonga unoirapa asi inokwanisa kurerutswa kuburikidza nekutora mishonga yemaAnti-retroviral Drugs.
  6. Kana munhu achinge aine utachiona, zvakakosha kuti ange achitora mishonga yemaARVs kuti ararame upenyu hune utano.
  7. Kushandiswa kwemakondomu nenzira yakanaka kwakakosha mukudzivirira kutapurirana utachiona hweHIV.

Sei vanhu vaisungirwa kutapurirana utachiona hweHIV?

Mutemo waisunga vanhu vaitapurira HIV wakavambwa kuma1990 nemuna2000 muZimbabwe apo utachiona hweHIV and AIDS zvaive pamusoro. Chinangwa chemutemo uyu chaiva chekudzivirira kana kurambidza kutapurirana HIV sezvo chirwere ichi chaiuraya vazhinji.

Chinangwa chaiva chekuchengetedza utano wemunhu nehwevamwe.

Sei mutemo uyu uchifanira kubviswa?

  1. Dr Ruth Labode vanova sachigaro wekomiti yedare Paramende inoona nezveutano nekuchengetedzwa kwevana vanoti hapana kudyidzana kuripo pakati pekuderera kwehuwandu hweutachiona munyika nekuparwa kwemhosva.
  2. Kuti munhu ange achibatwa nemhosva, panofanira kuve neumbowo zvinova zvinhu zvainetsa zvikuru, kutapurirwa kwemunhu kwainetsa kuti kuonekwe kuti kwauya nenzira ipi. Zvainetsa kuti paonekwe kuti ndiyani atanga kuva neutachiona uye kuti ndiyani akatanga kuongororwa.
  3. Humwe utachiona hweHIV hunogona kutapurirwa kune munhu neimwe nzira zvisinei nenyaya dzevaviri vanenge vari kupomerana mhosva.
  4. Kusunga munhu anenge atapurira munhu utachiona kwaiunza nyaya dzerusarura nekushorwa kwevanhu vane utachiona hweHIV sezviri muSection 76 yemutemo weCriminal Code. Munhu aigona kubatwa nemhosva zvisinei nekuti utachiona uhwu hunenge hwatapurirwa neimwe nzira isiri yebonde. Kureva kuti munhu wese ane utachiona ane mikana yekubatwa nemhosva. Izvi zvinopesana nesainzi nekuti kuramba uchitora mishonga yemaARVs kunoderedza mikana yako yekutapurira utachiona.
  5. Mutemo unoona nezvekutapurirana HIV hautarisi nezveshanduko dziripo mazuva ano munyaya dzesainzi nemishonga.
  6. Kushandiswa kwemishonga yemaARVs hakwaitambirwa uye kwaisatariswa nemutemo pachikamu chemutemo weSection 79.
  7. Ongororo inoratidza kuti vanhu vane HIV kana vachiziva vane mikana yekudzivirira kana zvichienzaniswa nemunhu asiri kuziva paamire.
  8. Dzimwe nzira dzekudzivirira HIV dzakaonekwa dzakakosha mukuderedza HIV dzakadai sekushandiswa kwemakondomu pamwe nekutora mishonga yemaARVs.
  9. Munhu asina utachiona hweHIV asi achipinda munyaya dzepabonde nemunhu anahwo anokwanisa kuwaniswa mishonga inoita kuti asatapurirwa kana pachinge paita tsaona inomunenekedza kuutachiona uhwu kuburikidza nekutora mishonga yemaPre-Exposure Prophylaxis asati aita bonde kana kuti mushure uye zvichiitwa mukati memaawa 72.
  10. Mutemo uripo parizvino hauna ruzivo rwakakwana maringe nekufambiswa kwenyaya dzine chekuita nekutapurirwa kweutachiona hweHIV nekuti panodiwa sainzi kuti paonekwe mafambiro anenge achiita utachiona. Mutemo uripo parizvino unongotarisa umbowo hwevanhu kuti ukwanise kusunga vapari vemhosva.

Mutemo unofanira kunge uchifamba neumbowo hwesainzi kuti vanhu vatongwe nemazvo. Panodiwa zvakare kuti vanhu vawaniswe ruzivo rwakakwana maringe neutachiona hweHIV uye kuti pasava nerusarura kune vanahwo.

 

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776736873 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links