Kudya sadza uchiseva neminzwa

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
URI kuona zvandiri kuona here panyaya yemukadzi akabuda muKwayedza svondo rapfuura wekuchekwa nezvinhu zvaasingaone?

Murume wake anobvuma kuti anodanana nemumwe mukadzi, uye anobvuma kuti mukadzi waanodanana naye uyu akambopopotedzana nemudzimai wake. Mushure mekupopotedzana kwevakadzi ava, zviri kunzi ndipo pakatanga dambudziko remukadzi uyu rekuchekwa nekutemwa nezvaasingaone.

Ko sei Kwayedza musina kutibvunzirawo kuti sei murume uyu asiri kuramba small house yake iyi? Sei ari kutobuda achitaura kuti ane small house, asi small house yacho iri iyo iri kunzi ndiyo honzeri nehoromori?

Kana muchinda uyu akanga achifunga kuti ari kudanana nesmall house, ngaazive kuti ruchiva chigure nekuti hauone kana kuziva zviri kuseri kwechakavhara kumeso. Ruchiva rwunosekenyedza, rwuchidzima hunhu, nekudzimaidza pfungwa.

Ruchiva harusi rudo, nekuti runoda zvisiri zvarwo nyangwe zvisingabvumirwe. Ruchiva rwune hukama nehuroyi, uye rwunoratidza kusatya Mwari newanano.

Kana uchichiva, uri kutaura kuti ziso rako rakakosha kudarika Jesu anoti usachive. Kana ukabvuma kuti muviri wako ushandiswe sekapu inonwirwa neruchiva, uri kukwira tambo dzemagetsi uchiti mazuva ano Zesa hakuna.

Ruchiva moto wemapepa. Dai chiri chitoro pasina profit inobudamo.

Saka iye murume uyu anonzwa sei kana mukadzi wake achitambura nekunyadziswa zvakadai nekuda kwesmall house? Ari kuichengeterei small house iyoyo?

Kudanana kwemurume uyu nemumwe mukadzi anoroya kwave kumudyawo. Anomuramba sei iye achiona zviri kuitwa mukadzi wake? Murume uyu paakaona mumwe mukadzi uyu akamuda, akabvuma kudyiswa sadza neminzwa.

Kana ukabvuma kushandisa maziso ako kuda nekufarira zvausingabvumirwe, unenge watosvora Mwari, kubaya Mwari muziso chaiko.

Newewo ziso rako riri kuona chii? Jesu akatipa maziso kuti tione, asi zvatiri kuona Jesu anoda kuti tione izvozvo here? Jesu haana kumbobvira atirambidza kutarisa kana kuona, asi anoti titarise iye kwete zvinhu zvinonyepa kuti zvakanaka kudarika zvatagara tiinazvo.

Mhembwe inouya kuzozviwisira pamakumbo ako kuti uibate, uidye nyama inozokudyawo nenzira yayo. Jesu ndiye akasimbisa wanano, uye akaiita kuti ive chinhu chitsvene, chinoyera. Kana wati waroora, ida uchengetedze mudzimai wako kubva kumashoko achataurwa nesmall house. Mashoko ane simba rekukoka mhepo nehuroyi.

Bhaibheri rinoti rurimi rwune simba pamusoro perufu nehupenyu.

Kana mukadzi wako ave kuchekwa nezvinhu, mumba mako mave kuitika mashiripiti nekuda kwekuti pane mukadzi waunodanana naye akapopotedzana nemudzimai wako, unenge wauraya mukadzi wako. Satani murevi wenhema, uye akauya kuzoba, kuuraya nekuparadza. Vavariro yesmall house yave yekuparadza imba yanga yavakwa nevaviri ava. Ndiyo shayisano ine Brazilian weave mumusoro.

Ngatitauriranei chokwadi. Rudo rwusiri rwewawakawanana naye rwakafanana nekuba. Unozviziva kuti kuba hakubvumirwe. Unozviziva kuti rudo rwesmall house chivi, kwete kumukadzi kana murume wako, asi kumuviri wako nekuti iwewe unogona kufunga kuti muviri wako ndewako, saka unoita zvaunoda nawo. Asi kwete, muviri wako ndewemusiki wako.

Mwari akasika munhu nemufananidzo wake, uye Jesu akauya panyika semunhu ane muviri wakafanana newako newangu, saka kana tichishandisa miviri yedu kuita hupombwe, tiri kutadzira Mwari.

Hadzisi nguva dzese dzatinowana zvatinoda. Chinhu chakakosha kuti tidzidzise miviri yedu kuti pane miganhu yatisingabvumirwe kudarika nemwero yatisingakwanise kupfurikidza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey