Kudzivirira 4th wave

06 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Kudzivirira  4th wave Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti nekuda kwenjodzi inogona kuvepo yekunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechina (fourth wave) zvichikonzerwa nekushaya hanya kweveruzhinji mukutevedzera zvinodiwa pakudzivirira kupararira kwedenda iri, icharamba ichisimbaradza nyaya dzekuona kuti matanho aya atevedzwa nemazvo uye kupa dzidziso yakasimba pamusoro pekukosha kwekuti vanhu vabaiwe nhomba.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti veruzhinji munharaunda havasisina hanya nekuzvidzivirira kubva kudenda iri zvichitevera kunyevenutswa kwematanho ekurwisa Covid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

“Nyika inoziviswa kuti nekuda kwenjodzi iripo yekunyuka kwechirwere ichi kechina uye kushaya hanya kuri kuitwa neveruzhinji munharaunda yekutevedzera matanho ekudzivirira denda iri zvichitevera kunyevenutswa kwematanho kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2, pacharamba pachisimbaradzwa nyaya dzekuona kuti matanho aya atevedzwa zvizere uye nekupa chenjedzo kuruzhinji yekukosha kwekubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwakadzikira svondo rapera.

“Huwandu huri pakati nepakati hwevakabatwa nechirwere ichi hwakadzikira kuenda pa238 kubva pa246. Nzvimbo dzinotevera ndidzo dzaive nevanhu vane chitsama vakawanikwa vaine denda iri muvhiki iri: Matabeleland South (310), Mashonaland East (263), Manicaland (251), Matabeleland North (233) neMasvingo (202),” vanodaro.

Pamusoro pezvo, huwandu hwevarwere veCovid-19 vaida kupihwa mibhedha muzvipatara hwakadzikira kubva pa4,62 percent kuenda pa4,3 percent svondo radarika.

“Nyaya dzevari kubatwa neCovid-19 muzvikoro munyika yose dzakadzikira panguva yatiri kutaura nezvayo iyi. Pakave nenyaya 815 kana zvichienzaniswa ne1 267 dzesvondo rapera pamberi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti dare reCabinet rakaratidza kushushikana zvikuru kuti kuvharwa kwaive kwakaitwa mabhawa nemanight club kwenguva refu hakuna kukonzera kuti vemabhizimisi aya varasikirwe nemari chete asi kuti kwakaonawo kunyuka kwekutengeswa kwedoro nenzira yemukoto.

“Cabinet nekudaro yati mabhawa ose ane marezinesi avhurwe kuvanhu vakabaiwa majekiseni ose ari maviri. Varidzi vemabhawa vanofanirwa kuona kuti vatevedzera mitemo inodiwa neWorld Health Organisation (WHO) pamwe neyenyika, kukundikana kwavo kuita izvi kuchaona vachitorerwa marezinesi. Vemabhawa vanofanirwa zvakare kucherechedza nguva dzekuvhura nekuvhara dzinodiwa pasi pemutemo (curfew),” vanodaro.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 131 335 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 124 113 vakatopona asi vamwe 4 629 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 128 897 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 2 342 966 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links