Kudzoka kwenhabvu kworumbidzwa

18 Mar, 2021 - 12:03 0 Views
Kudzoka kwenhabvu kworumbidzwa Joey ‘Mafero’ Antipas

Kwayedza

Abel Ndooka
VARAIRIDZI venhabvu nevatsigiri vemutambo uyu svondo rino vakatambira nemufaro mukuru kudzoswa kwakaita bhora zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munyika muno kubvira munaKurume gore rapera senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa neHurumende nemusi weChipiri svondo rino kuti mitambo yose yave kutenderwa kuti ichidzoka asi pachitevedzerwa mitemo yeWorld Health Organization (WHO) uye neyemunyika ino panyaya yekurwisa Covid-19.

Murairidzi weDynamos FC — Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya — anoti kudzoka kwenhabvu kunofadza zvikuru sezvo vatambi vange vanzwa nekungogara.

Anoti iye zvino amirira kuti vachiudzwa kuti vanotanga rinhi kuita gadziriro dzekuti mitambo ichitanga kutambwa.

“Kudzoka kwenhabvu tinokutambira zvikuru nekuti mutambo uyu ndiwo kudya kwedu. Tange tanzwa nekugara, vamwe vakasvika pakurasikirwa nemabasa asi iye zvino tine mufaro nekuti chishuwo chedu chave kuzadzikiswa.

“Saka tinoda kutenda Hurumende yedu yakanzwa zvichemo zvedu, iye zvino tatenderwa kuti mutambo wedu uchidzoka.

“Tave kumirira kuziviswa kuti tochitanga rinhi kuita gadziriro, ipapo tinoda nguva nekuti vatambi vedu vange vave nenguva yakareba vakangogara saka tinofanira kushanda navo zvakasimba kuti vanyatsobikwa vagodzokera padanho ravaive kare,” anodaro Ndiraya.

Mashoko ake anotsinhirwa nemurairidzi weChicken Inn — Joey ‘Mafero’ Antipas — achiti ave kutogadzirira kutanga basa rake sezvo ange anzwa nekungogara.

Anoti semunhu wenhabvu, kungogara pasina mutambo uyu kunomuremera.

“Zvinhu zvinofadza zvatange tichichemera kwegore rese kuti mutambo ngaudzoke, iye zvino wadzoka manje. Vakomana vedu vave kukwanisa kutamba mutambo uyu uye vokwanisa kuwana raramo muhupenyu hwavo.

“Iye zvino tamirira kunzwa kuti tofamba negwara ripi sezvo pane zvakawanda zviri kudiwa kuitwa nesu varairidzi, vatambi vedu uyezve nevamwe vari mune zvemutambo kuti tinge takachengetedzeka mitambo painozotambwa,” anodaro Mafero.

Mutungamiri wesangano reFriends of the Warriors — Edward Chimedza — anoti sevatsigiri vanotambira nemaoko maviri kudzoka kwemutambo uyu.

Anokurudzira hutungamiri hweZimbabwe Football Association (Zifa) nePremier Soccer League (PSL) kuti vatore matanho ekuona kuti mitambo iyi inge ichiburitswa paterevhizheni sezvo vatsigiri vachange vachiona nhabvu vari kudzimba dzavo kana dzimwe nzvimbo kusiri kunhandare.

“Vakomana vedu vedu vatinofarira manje-manje tichange tave kuvaona vachitamba nhabvu mutambo uyu wadzoka.

“Asi tongochema kuZifa nePSL kuti ngavagadzirise vaone kuti mutambo uyu uri kubuda paTV nekuti kunhandare hatisi kuenda nekuda kwekuti zvinokonzera kuti tiungane izvo zvisiri kutenderwa. Saka toda kuona nhabvu paTV tichitsigira zvikwata zvedu,” anodaro Chimedza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>