KUFIRWA HAZVIREVI MAGUMO EUPENYU . . . shirikadzi yorera mhuri nekuveza matombo

29 Nov, 2023 - 13:11 0 Views
KUFIRWA HAZVIREVI MAGUMO EUPENYU . . . shirikadzi yorera mhuri nekuveza matombo Mai Clemencia Ncube vachiveza matombo - Mifananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuNkayi, kudunhu reMatabeleland North – uyo anova shirikadzi – ari kuriritira mhuri yake nemari yaanowana kubva mukuveza matombo uye anoti hakuna basa rinonzi nderechirume kana kuti rinoitwa nevakadzi bedzi.

Mai Clemencia Ncube (46) – avo pari zvino vari kugara mumusha weRetreat, muHarare – vanoti vakashaikirwa nemurume mugore ra2002.

Vari kurarama nekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery iri kuHatfield, muHarare.

“Ini ndakabva kumusha kuNkayi mugore ra2011 mushure mekushaikirwa nemurume wangu mugore ra2002. Ndakasvika pano paTsindi Art Centre ndichitevera mukoma wangu aiita basa rekubika sadza achitengesera vavezi vepano. Ndakasvikopindawo munyaya dzekubika sadza nasisi vangu, ndikazomboregera ndokuenda kumwe kwandaishanda. Ndakazodzoka mugore ra2016 ndokutanga kugeza matombo evamwe vavezi,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti mukugeza zvivezwa zvevamwe kuti zvichene, vakazoitawo shungu dzekudzidza kuveza.

“Panguva yandaigeza zvivezwa izvi mugore ra2019, ndakazotaura naVaBenard Sakarombe avo vakandidzidzisa kuveza atinoti ma’heads’, kureva zvivezwa zvemisoro yevanhu nezvimwewo. Zvakadaro, ndiri kushanda pasi pavo sezvo ndisati ndawana zvangu zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro Mai Ncube.

Zvivezwa

Vanoti vari kuveza matombo erudzi rwemaDolomites ayo asinganetse.

“Ndine shungu dzekuti dai ndawana zvangu zvekushandisa ndizviitire ndoga, ndizvirumure kubva kuna VaSakarombe. Chinonetsa midziyo yekushandisa kubva kumachiziri acho, masando, magrinder nemamwe maturusi anodiwa ayo andisina.

“Matombo acho anonetsa kuwana sezvo achitengwa kure, zvandinodawo kuti ndigone kubatsirwa nevane tsiyo nyoro,” vanodaro.

Mai Ncube vachiveza matombo

Mai Ncube vanoti kubva mubasa iri, vakakwanisa kuendesa mwana wavo kuchikoro kusvikira apedza.

“Kunyangwe ndichiita basa ndiri pasi pemumwewo munhu, ndiri kukwanisa kurarama. Ndinodawo kusimudzirwa kuti ndiwane zvekushandisa nekuwanawo matombo zviri nyore.

“Ndinoda kuzova nekambani yangu hombe yekuveza matombo uye ndinokurudzira mamwe madzimai kuti vasiyane netsika yekusarudza mabasa,” vanodaro Mai Ncube.

Vanoti vanogona kuveza zvivezwa gumi pamwedzi.

“Vanotenga zvivezwa zvedu vashoma mazuva ano saka tinombogara tisina mari. Semuvezi ari kuda kusimukira, ndinokumbirawo kune vanogona kundibatsira kuti vandiridzire nhare pa0719 625 125,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links