Kugocha nyama yembudzi

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Kugocha nyama yembudzi Nyama yembudzi yakagochwa

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
NYAMA yembudzi yakagochwa inonaka zvikuru, kunyanya apo vanhu vanenge vachidya vakatandara zvavo.

Svondo rino Milcah Nhakura wekwaMutare anotsanangudza mamwe magocherwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Chiwaya (braai stand), munyu, mafuta, magaka, muriwo welettuce, matomatisi nehanyanisi.

Magochero:

Torai nyama yose yamuri kuda kugocha morunga nemunyu.

Itai kuti pave nemoto une marasha akawanda pachiwaya chakachena.

Rongai nyama yese pachiwaya.

Regai inyatsoibva mativi ese muchipindura-pindura kuti isatsve. Raidzai kuti yanyatsoibva zvakanaka here.

Sukai magaka, matomatisi nehanyanisi mocheka nemuriwo zvose muzvidimbu zvakanaka.

Rongai muriwo, magaka, matomatisi nehanyanisi mundiro yakachena.

Torai nyama yese mocheka kuita zvidimbu zvamunoda.

Sanganisai zvose, modya pamwe nemhuri muchifara nezvinwiwa zvamunofarira.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey