Kugona T.B kutevedzera zvarehwa nachiremba

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Cathrine Murombedzi
MUMWE murume wekukwaChireya, kuGokwe  ane makore makumi matatu nemanomwe ekuberekwa anoti akapona neburi retsono. VaGeorge Chigaro avo vane mudzimai nevana vana vakarwara zvakaipisisa mugore ra2005, vakaenda kukiriniki iri kumusha kwavo uko vakabatwa TB.

Baba ava vanoti havana kuzvitambira nekuti kurwara neTB vaiona sezvinoshoresa.

“Ndakarwara mugore ra2005,  vanachiremba vakanditora makararwa neX-ray  vakabata TB yemuchipfuva. Ndakakurudzirwa kudzoka svondo raitevera asi ini handina kuzodzoka nekuti ndaiti TB chirwere chinoshoreka,” vakadaro VaChigaro.

VaChigaro vakagara zvavo kumba sezita ravo asi mugore ra2007 hurwere hwakazogodza.

“Ndaikosora zvinodonhedza makonzo  uye ndainge ndaonda zvinotyisa. Hama, shamwari nevavakidzani  vaiuya kuzondiona vaitoti vachadzoka vanzwa mhere. Vainge vatondicherera gomba kare. Mudzimai wangu akasunga mombe nengoro ndokudzokera neni kuchipatara cheGokwe uko ndakasvikopiwa mubhedha. Vanachiremba vakazviona pamakadhi angu kuti ndainge ndatiza kurapwa makore maviri apfuura naizvozvo vakati ndainge ndave kutoda kurapwa ndiri muchipatara  sezvo ndainge ndobaiwa majekiseni zuva rega-rega,” vakadaro.

VaChigaro vanoti vakabayiwa majekiseni kwemazuva makumi matanhatu.

“Ndakabayiwa majekiseni kwemazuva makumi matanhatu, imi muviri unotindivara nejekiseni asi unenge wovavarira kupona. Vanachiremba vakati vainge vaona kuti haichisisiri TB yemazuva ese asi kuti yainge isisarapiki nemapiritsi oga. Vakati yainge yave multi drug resistant TB,” vakadaro VaChigariro.

Munhu anenge abatwa TB akasatevedzera zvakatarwa pakunwa mushonga anoita TB yakafanana neyakaitwa naVaChigariro yavanoti muchidimbu MDRTB. Iyi TB inotora  makore kuti munhu anaye uye akasarapwa anenge achiparadzira mhando yeTB  iyi.

“Mugore ra2012 ndave kumba, ndakatanga kurwarazve asi rombo rakanaka randakaita nderekuti veMSF vainge voshanda munharaunda yedu. Ndakatorwa makararwa akaongororwa nemuchina unonzi Gene Xpert uyo wakaburitsa pachena kuti  MDRTB yainge isina kupera. Ndakatadza kuzvitambira uye ndakatya kuudza mudzimai wangu nekuti ainge atambura nehurwere naizvozvo ndaitya kuti pada aizondisiya,” vakadaro VaChigariro.

“Mugore rimwe chete iroro nemusi weValentine’s Day ndipo pandakaiswa pamushonga neveMSF, ndaitogara pachipatara. Ndakagara kwenguva ndefu chose. Mushonga  wandaipihwa wakandirwarisa nekuti  waive nesimbaguru. Vanachiremba vakati vaizvitarisira vakati pachirungu inonzi side effect. Ndakafunga kuti kufa kwaive nani asi mumwe mwoyo wakati kovana vako vadiki ava vanozotariswa nani.”

VaChigariro vanoti kwegore rese vari muchipatara vakadzamisa pfungwa dzavo vakaona vaine chekuraramira.

“Ndakaona vana vangu vachindida zvisina sarudzo, mudzimai haana kunditiza akamira neni izvo zvakandipa simba. Ndakabva ndazvigamuchira,  semunhu ainwa maARV zvakare ndakati TB hayaizondidonhedza pasi. VeMSF vaindikurudzira uye ndakaziva kuti kurwadza kwemuviri kunopera kana uine chinangwa. Ndakabuda muchipatara musi weValentine gore rakapera. Ndainge ndagara gore rese.

Ndakasvika kumusha ndikaona mombe mbiri dzabereka, mbudzi handichataura. Huku musha dziri fararira vana vachienda kuchikoro uye vachigona ndikati chekuraramira chiripo,”  vakadaro.

Vakakurudzira vamwe vese vane dambudziko rehurwere kuti vave nekukoshesha mhuri dzavo uye kuti ivo ndivo musoro wechitima naizvozvo unofanirwa kutungamira.
Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>