Uncategorized

KUMAHOSITERI: TSVINA INOITIRWA MUMIGOMO. . . yozoshapudzirwa panze

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
KUMAHOSITERI: TSVINA  INOITIRWA MUMIGOMO. . . yozoshapudzirwa panze Ambuya Martha Reid

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAMWE vagari vekuUnit G, kuChitungwiza, kudzimba dzinozivikanwa nekuti “Kumahositeri” vari kuita tsika yekuitira tsvina neweti yavo muzvikweshe, mumigomo kana mumabhaketi iyo yavanozorasira panze nepamahwindo vachinyangadza nharaunda.

Kuita kwevanhu ava kwava kuita kuti veruzhinji vatyire kunyuka kwezvirwere zvemanyoka secholera.

Zvimbuzi zviri panzvimbo zveKumahositeri — uko kunonzi kunogarawo vanhu vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo — zvinonzi zvave nemakore akawanda zvisingashande.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira Kumahositeri uko vatori venhau vakapotsa vadirwa tsvina neweti nevamwe vanhukadzi vanogarapo.

“Muri kudei? Hatidi kutaura nemi uye chero ani zvake anogara mukomboni muno akangoedza kutaura nemi tiri kumudira tsvina neweti.

“Hatina rubatsiro rwatinoda isu. Chii chakakosha kuvakirwa chimbuzi kana isu tisina chikafu chekudya, tinotori nenzara yakaipa?” akadaro mumwe wevakadzi ava apo ainge akabata mugomo waive netsvina neweti achida kudira mumwe murume aida kuita hurukuro nemunyori uno.

Kwayedza yakazokurukura nemumwe mudzimai anogara apa asi akaramba nezita rake nekutya.

“Dambudziko ndiro ramaona, ichokwadi hatina zvimbuzi uye vanhu vanongoitira mumabhaketi vachirasa kunze. Taimboshandisa zvimbuzi zvamaona zviri kumusoro uko izvo zvamarambidzwa kutora mifananidzo, asi zvatova nemakore zvisingashande nemhaka yekuti zvinoshandiswa neveruzhinji.

“Vamwe vanokanda maguri nematombo saka hapana anodzora mumwe. Handiti mapotsa marohwa nevakadzi avo, ndokatsika kavo,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi: “Ini ndinotonyara chero kuti nditsanangurire hama dzangu kuti panzvimbo ino ndipo pandinogara nekuti tinosekwa. Ndine vana vanofunda kumayunivhesiti asi vanototanga vadongorera kuti havasi kuonekwa here kuti vari kubva pano apo vanobuda vachienda kuchikoro. Ndiko kusaka ndiri kuramba nezita rangu nekuti ndinoda kuchengetedza vana vangu nekuti vanozosekwa.

“Havasi vose vanoita mabasa echipfambi vanogara muno, vamwe vanotoshanda mabasa avo akanaka asi vanosvibiswa mazita nekuda kwehunhu hwevashoma.”

Ambuya Martha Reid vanoti vakambogara panzvimbo iyi ndokuzotama.

“Zvimbuzi zvatova nemakore anodarika mashanu zvisingashande, vekanzuru vakambouya vakaedza kuzvigadzira asi zvakashaya basa. Vakagumira panzira nekuti zvinhu zvinokandwamo sematombo nemaguri hazvikodzeri, saka makomba akazara.

“Munhu ava kungoti kana zviya angonzwa mudumbu, otora mugomo wake oitira mumba. Kana aine husimbe hwekunorasa kure anongowodzvora

tsvina iya nepahwindo nechekuseri kwemba,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndiri kutotyira vane matsime emvura nekuti kana mvura ikangonaya bedzi, tsvina yose yevanhu iyi ichakukurwa yonopinda mumatsime anocherwa mvura yekunwa.

“Nhunzi isarura ude, dzinogara dzichingoimba uye vamwe vana vanogona kutamba vachibata tsvina iyoyo vakazoguma vava nemanyoka echolera.”

Opindura mushure mekubvunzwa nezvemagariro evanhu vekuMahositeri, mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vanoti nzvimbo iyi ine dambudziko guru rekubiwa kwemidziyo yemuzvimbuzi uye veruzhinji vanoda dzidziso maringe nemashandisirwo ezvimbuzi, kunyanya kana zvichisevenzeswaneveruzhinji.

“Kanzuru inoda kugadzirisa zvimbuzi izvozvo, asi dambudziko riripo nderekushaikwa kwemvura nekuti kuti tikwanise kudhirena zvinhu zvakavhara zvimbuzi izvozvo, panodiwa mvura yakawanda uye ine simba. Tine hurongwa hwekupwanya dzimba idzodzo kuti tivake dzimwe dzemudurikidzwa nekuti tinoda kufambirana nehurongwa hwebudiriro yemaguta,” vanodaro.

VaMeya vanoenderera mberi: “Vanhu vanofanira kuziva kuti zvimwe zvinhu zvavanoita zvinozovadzokera seivavo vanoshandisa maguri nematombo sematishu muzvimbuzi, zvinoita kuti zvizare vopedzisira vava kuitira mumasango kana mumabhaketi. Zvose izvi zvinokanganisa utano saka tichaita makambeni ekufundisa veruzhinji nzira kwadzo dzekushandisa zvimbuzi, kusanganisira zvekanzuru izvo zvinobhadharwa mari pakupinda nekuti pachine dambudziko.”

Votaurawo, Mai Esther Dumingo (49) vekuChitungwiza kwakare, vanoti kunze kwetsvina iri kuitwa Kumahositeri, kune huyanga hwemapamper ayo ari kurasirwa pamahwindo edzimba.

“Mapamper ndiwo mamwe anetsa nekuti vanhu havachada kushandisa manapukeni nekuda kwekuti hakuna mvura yekuzoawacha. Kanzuru ngaiwanzewo mabhini muguta nepanzvimbo dzine mabhizimusi kuitira kuti marara nemapamper zvisarasirwe pose-pose,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Fanuel Mukazi kana kuti Sekuru Mhofu (78) vanotiwo Kumahositeri uku kwanyanya huchapa zvekuti vari kuchema kuti dai angovharwa.

“Hapaite, hapaite! Asi unoshamisika kuona vasikana vanogarapo vakangomira kumugwagwa vakangoti tuzu kutarisa vanhu. Vasikana ivavo havagari nevana uye matsotsi, imhondi, ipfambi nembavha zvekungoti ukangopfuura nepo wakachena sezvemakaita izvi, unochiona. Vanenge vave kufunga kuti munoda kuvatorera makasitoma avo. Unodirwa weti ugorohwa kana kubirwa,” vanodaro.

VaSimon Size (55) vekwaMakoni, ikoko kuChitungwiza, vanoti pamisika weko ndipo pamwe pane zvimbuzi zviri kudhura samare zvekuti veruzhinji vanopedzisira vave kuitira tsvina mumikoto nekunze kwezvimbuzi, pedyo-pedyo nepanobikirwa chikafu chinotengeswa.

“Makanzuru ngaadzokere pekare pekuti zvimbuzi zvinopindwa mahara. Zvino vakati kupinda muchimbuzi kwemunhu mukuru kunoda $1, vadiki $0,50c vanoti vanhu vanoiwanepi? Isu tinoswera pano pamusika kureva kuti ndikaenda kuchimbuzi kagumi ndinenge ndotorasikirwa ne$10 pazuva Pamwe pacho tinowana zvimbuzi zvacho zvakakiiwa, vanenge vachida kuti tiite sei? Kutoitira panze,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>