Uncategorized

‘KuMasvingo vanoda pakuru’…Matanho anotevedzwa pakuroora

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘KuMasvingo vanoda pakuru’…Matanho anotevedzwa pakuroora Sekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYANZVI munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanotsanangura maererano nematanho anotorwa apo mukuwasha anoenda kunobvisa roora kwatezvara.

“Patsika dzedu sevanhu vatema, kubvisa roora inzira yekuratidza rudo uye gadziriro yekutanga mhuri zvinova zvinoitwa nemurume apo anonobvisa pfuma kuvabereki vemukadzi. Kare, vamwe vaingoita zvekutizisana kana kuita musengabere – kusimudza mukadzi womuisa pamafudzi uchitiza naye kuenda kumba kwako kuti ave mudzimai wako asi usina kumbomupfimba. Asi iko zvino hazvichaitwa nekuti zvave kutorwa semhosva,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti pakutanga, mukomana anopfimba musikana uye kana vabvumirana, vanoenda vose kwatete kunozivisana vachitambidzana nduma kana kuti nhumbi sechitsidzo chekuti vazvipira kupinda murudo uye vane tarisiro yekuzoroorana.

“Mukomana anoenda kunoona hama dzemusikana apo musikana achinoonekwawo kumusha kwemukomana. Mushure mezvo, vaviri ava vane mukana wekuroorana asi pakunobvisa pfuma kana musikana achinge atsika mwedzi (ave nepamuviri) mukuwasha anobvisiswa inonzi dhemeji kana kuti zvikazivikanwa kuti musikana haasisiri mhandara.

“Kunyangwe ari munhu akambenge akaroorwa, mukuwasha anogona kubvisiswa dhemeji,” vanodaro.

Pachikamu chekutanga kuroora, Sekuru Chisanyu vanoti panotumwa munyayi kana kuti samutumwi uyo anoenda kumusha kwemusikana kunovazivisa kuti mukuwasha anoda kuuya kuzoroora.

“Munyayi ndiye anobatsira mukuwasha mukufambisa mashoko nemari dzeroora nekuchema-chema kana roora rinodiwa natezvara rawandisa. Anosvikoti, ‘Tiri kukumbirawo sadza’ kureva kuti vari kuda kuroorera.

“Kana musikana akamubvunzwa iye akabvuma kuti anoziva murume ari kuda kuzobvisa pfuma, chirongwa cheroora chinobva chafambira mberi.”

Padanho repiri, Sekuru Chishanyu vanoti munyayi anopihwa gwaro rakanyorwa girosari rinenge richidiwa naambuya pazuva reroora izvo zvinogona kutengwa ari mabhokisi sesipo, mupunga, shuga, mafuta nenyama.

Vamwe vanoti pazvinhu zvegirosari izvi hapadiwe munyu, uyo unonzi unoyera uye unozokanganisa vaviri ava kugarisana zvakanaka.

“Padanho retatu, mhuri yekumusikana inokumbira ndiro kubva kumunyayi asi kana asina, vanotora yavo – kunyanya yemuti. Kana ndiro iyi isiri yevakuwasha, inenge yava nemuripo asi munyayi akauya neyake zvinomurerukira. Mundiro iyi ndimo munoiswa mari yeroora inenge ichibviswa nemukuwasha.

“Panozouya mari yesunungura homwe kana kuti vhuramuromo apo mukuwasha anotarisirwa kuti ange achiombera vanatezvara kana achinge akundikana kuita izvi anoripiswa. Panotariswa zvakare kuti mukuwasha akakwanisa here kubata mazuva ekuuya kuzobvisa pfuma anenge akawiriranwa uye kana asina, anoripiswa.”

Sekuru Chisanyu vanoti mukuwasha anozopihwa gwaro rine zvinhu zvinodiwa paroora kusanganisira mbatya dzababa nedzaamai vemusikana.

Pfuma yababa inosanganisira matekenyandebvu ayo anoreva kuripira kutambiswa kwaiitwa ndebvu dzababa nemwanasikana achiri pwere.

Mari yematekenyandebvu inokwanisa kuderedzwa kana mukuwasha achema-chema.

“Mudanho rechishanu mune zvirehwa-rehwa zvamai nyakutumbura musikana ari kuroorwa asi kana vasipo zvinopihwa mumiririri wavo. Zvaamai hazvichemwe-chemwe, zvinotobviswa sezvazviri uye zvinosanganisira mbereko, mafukidzadumbu kureva muripo wekuti amai vakatakura pamuviri pemwana uyu pamwe nekumufukidza gumbeze achiri kacheche,” vanodaro.

Vanoti panodiwawo mbudzi yedare kana kuti yemachinda iyo inouraiwa yodyiwa musi uyu.

Kana pasina mbudzi iyi, mukuwasha anogona kubvisiswa iri mari inozogovanwa pakati pevanakomana vanenge varipo.

Padanho rechitanhatu kunhongwa kwemari apo musikana ari kuroorwa anotarisirwa “kunhonga” mari mundiro kana kuti zvinogona kuitwa natete, mukoma kana munin’ina wake. Ipapa vamwe vanobva vanhonga mumwe nemumwe wemadzitete nevakoma kana vanin’ina.

Nyakuroorwa anonzi anoshandisa mari iyi kutenga midziyo yemumba sendiro kana zvipunu asi kana achida anogona kuipa kuvanin’na kana vakoma varipo. Pamwe pacho musikana anogona kudzora mari iyi kumurume wake kuti igobatsira mukubvisa rimwe roora ringadiwa musi uyu.

“Danho rechinomwe, nderekubvisa rusambo, unova ndiwo mwongo weroora. Rusambo rwunenge rwuine mari yakawanda asi hazvirevi kuti mukuwasha anofanira kubvisa mari iyi yose panguva imwe chete. Imwe inosara uye anofanirwa kugara achitondera kuti ane mungava kwatezvara.

“Kana mukuwasha akakundikana kubvisa kana sendi padanho iri, zvinoreva kuti haapihwe mudzimai nekuti anenge achinzi haana kuroora.”

Pachikamu chechisere, pane nyaya yedanga zvichireva kubviswa kwepfuma nenzira yezvipfuyo, kazhinji kacho dziri mombe dzinotsika. Zvisinei, mazuva ano vamwe vave kusarudza kupihwa iri mari.

Mombe idzi dzinowanza kuita sere kana nomwe uye imwe yemombe idzi inenge iri yaamai iyo inodaidzwa kuti yehumai.

Mombe iyi inofanira kubviswa ichitsika uye inotarisirwa kuti izobereka zvinova zvinoenderana netsika nemagariro.

“Kusabviswa kwemombe yehumai kunonzi kunogona kuunza rushambwa

muwanano kana kuvana vanozoberekwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti mushure memakore mashanu kana kudarika, mombe iyi inotarisirwa kunge yabereka uye inenge yaberekwa yacho inozouraiwa (kuteura) yodyiwa nevemhuri zvinova zvinonzi zvinobatsira mukusimbaradza mhuri yevaviri ava.

Kana chikamu chekuuraiwa kwemombe iyi chasvika apo rusambo rwusati rwabvisa, zvinoreva kuti chirongwa ichi chinenge chichifanira kuregedzwa nekuti pfuma inenge isina kubviswa nokudaro hapana chivanhu chekusimbaradza wanano chinoitwa.

Sekuru Chisanyu vanoti chikamu cheroora chinozotevera ndechemajasi zvinova zvipo zvinotarisirwa kuti mukuwasha epe kuna tezvara.

Mushure mekubvisa rusambo nemajasi mukuwasha anobva atambirwa mumusha saka panobva paitwa mabiko ekupinzwa mumusha apo anenge ava kukwanisa kukwazisa vanatezvara nemadzimbuya, otambirwa senhengo yemhuri.

Izvi zvinoitwa pachirohwa gusvi uye mukuwasha agere pasi akapfunya chisero.

Mukwasha anozopihwa gwaro rine zvipfeko zvaamai nezvababa zvinenge zvichidiwa sesutu yababa, shangu nembatya dzaamai.

Pashure mukuwasha anokwanisa kuchikumbira muchato kana vaine zvirongwa zvacho.

Asi, matanho anotevedzwa pakuroora anogona kusiyana zvichienderana nenzvimbo.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links