Kunowanikwa mbeu dzeSeed Co

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kunowanikwa mbeu dzeSeed Co

Kwayedza

Charles Munyoro —
APO tichiita gadziriro yemwaka mutsva weZhizha, tinoda kuzivisana kunowanika mbeu dzenyu dzeSeed Co. Zvakakosha kuziva kunotengeswa mbeu kuti tizvidzivirire pakutenga mbeu isina kuuchikwa nekutenga mbeu isina kuiswa mishonga inokurudzirwa.

Seed Co inouchikira mbeu dzayo kumaResearch Station anoti Ratray Arnold Research Station – munzira inobva muHarare ichienda kuShamva, Kadoma Research Station neStapleford Research Station. Uku ndiko kunouchikwa marudzi nemarudzi embeu, kubvira pambeu dzechibage, dzesoyabhinzi, mbeu dzegorosi, dzeshuga binzi, dzenzungu, nyemba nedzemapfunde.

Nyanzvi dzeSeed Co dzinouchika mbeu idzi dzichiongorora zvakasiyana-siyana, kubvira kuvandudza goho rembeu, kuuchika mbeu dzinozvidzivirira kuzvirwere, kuongorora zvipembenene zvinodya mbeu idzi, kutivirira kuzuva kwembeu, kuongorora nguva inoibva marudzi embeu nekwadzinokodzera kurimwa.

Mbeu iyi yauchikwa, ichazonorimwa muminda yemumapurazi nekumaruwa muZimbabwe kwakasiyana-siyana.

Mbeu iyi inorimiswa nenyanzvi dzemadhumeni eSeed Co vakabatana nemadhumeni eHurumende veSeed Services.

Mbeu yakohwewa, yatsokonyorwa, yaiswa mumasaga uyezve yaiswa mushonga wekudzivirira zvipfukuto, inozouya kufakitori yeSeed Co iri kuStapleford, kuMt Hampden kuti izochiongororwa kekupedzisira ichiiswa mishonga yozoiswa mumasaga.

Iko zvino mbeu iyi yava kuwanikwa kubva pamapakiti anoti 500g, 1kg, 2kg, 5kg, 10kg ne25kg. Kune mamwe marudzi echibage ava kuwanikwa ari pama5 000 kernels, 10 000 kernels, 20 000 kernels ne50 000 kernels.

Mapakiti anoiswa mbeu iyi anonyorwa zita kana kuti nhamba dzemurimi anenge arima mbeu yacho negore raanenge airima.

Tinonyorazve zuva raiswa mbeu iyi mumasaga, kumera kwembeu (germination %) nekuchena kwembeu (purity %). Izvi zvose zvinoitirwa kuti murimi atenge mbeu chaiyo yeSeed Co.

Mbeu iyi kana yaiswa mumasaga, yavakuendeswa kumaDepot eSeed Co akapararira neZimbabwe yose. MaDepot edu anowanika kunzvimbo dzinotevera: Harare, Chinhoyi, Karoi, Chegutu, Kadoma, Kwekwe, Gokwe Centre, Gweru, Bulawayo, Guruve, Bindura, Murewa, Mutoko, Marondera, Rusape, Mutare, Chipinge, Chiredzi, Masvingo neChivu.

PamaDepot apa panotarisirwa kuti patengwe mbeu navanamuzvina chitoro.

Vane zvitoro ava ndivo vanozotengesera isu varimi.

Zvakakosha kuti muzive kuti uyu muzvinachitoro anotengesa mbeu yechokwadi here yeSeed Co. Munobvunza varimisi vedu veAgritex neveSeed Co.

Pazvitoro izvi, tinoedza kuisa zvinyorwa zvakanzi “Seed Co stockist”, mapepa anenge akanyorwa mhando dzembeu (posters), mepu inotaridza nzvimbo dzemuZimbabwe nemarudzi echibage anorimwa ikoko. Tinogona zvakare kunyora pamusoro pemusiwo wechitoro chinotengesa mbeu, kuisa zvinyorwa muzvitoro zvinotaradza nzvimbo dzinobva murimi nembeu yaangarima, nekuisa mireza (tier drops” yeSeed Co panze pezvitoro.

Vanamuzvina chitoro (traders) vanokurudzirwa kuti vakwanise kuti varimi vatenge mbeu nenzira dzakawanda dziri kushandiswa mazuva ano sezvo mari chaiyo (cash) iri kunetsa kuwana.

Tinovakurudzira kuti vape mukana wekuti varimi vatengewo neEcoCash kana dzimwe dzira dziriko mazuva ano.

Zvitoro zvinotengeswa mbeu dzeSeed Co zvinobvira kumaWholesalers akaita saana Mohammed Mussa, N, Richards, Metro Peech, Gains, Trade Centre, Radchart; zvitoro zvakaita saana OK, TM Pick & Pay, Food World, Spar, MFS, Choppies, Pote, mahardware akaita saana Farm & City, Omnia, Mantan Investments, NTS/Farm Shop, Wiruma, Farmbiz, Bicro, Verterinary Distributors, Packzone, TSL/Agricura nemaGeneral Dealers akatekeshera nenyika yose.

Kana tatenga mbeu yedu, varimi tinokurudzira kuti mudzichengetewo pakanaka. Pakanaka apa ponofanira kunge pari panhu panokwanisa kugarawo vanhu zvakasununguka.

Panhu pakachena, panopinda mhepo, pasingapise (room temperature) uyezve pasina hunyoro. Mbeu inofema zvinongoitawo vanhu saka ichida mhepo nekusapisa kwakanyanya. Ikaiswa panopisa zvakanyanya inogona kutofa mwoyo wayo yotadza kumera.

Hunyoro hunogona kukonzera kuti mbeu iyi imere mwoyo wayo imi musingazive mozozviona madyara mumunda, saka ngatichengetei mbeu yedu pasiri pasi chaipo asi pakasimukira (pallet).

Iko zvinono varimi vari mushishi kutenga mbeu dzemumagadheni. Mbeu idzi dzinobvira dzechibage nedzesugar beans.

Vari kudyara mbeu dzechibage vanokurudzirwa kuti vasanganise mbeu yavo nemushonga wekudzivirira chirwere chinonzi maize streak virus.

Chirwere ichi chinoparadzirwa neutachiona hunoparadzirwa nehwiza kana yasvisvina muto wechibage.

Mishonga inogona kushandiswa ndeinoti Gaucho kana kuti Cruiser. Munogona kutenga mbeu yakasanganiswa kare nemishonga iyi. Mbeu yenyu yechibage chekugocha ndeinoti SC 403, SC 513, SC 627, SC 637, SC 719 neSC 727. Idzi mbeu ndedzechibage chichena.

Kuchibage chitsuku, mbeu yenyu inonzi SC 608. Mbeu iyi yakapihwa zita remadunhurirwa rinonzi “Fire Cracker”.

KUTI SEED CO NDIKO KUTI MBEU . . . KUTI MBEU NDIKO KUTI SEED CO!

Charles Munyoro murimisi mukuru kuSeed Co.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey