Uncategorized

Kurambirwa kunaka: ‘Ishavi renjuzu’

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Kurambirwa kunaka: ‘Ishavi renjuzu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUTEVEDZERI wemukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practitioners Association, Mbuya Joyce Nhamburo (42), vanoti mudzimai wekuGokwe uyo anonzi akarambwa nemurume wake nechikonzero chekuti akanyanya kunaka pachiso anogona kunge aine shavi renjuzu.

“Ini ndine shavi renjuzu, chandinoziva ndechekuti shavi iri haridi kuti murume aite gumbo mumba gumbo kunze kana iye mukadzi kupoya mumba. Zvikangodaro chete vaviri ava vanobva vasemana zvekutorambana, kana bonde panenge pasisina uyewo njuzu haidi kuti mumba muitwe mhirizhonga,” vanodaro.

Vanoti panyaya iyi panoda kutariswa kuti iyewo murume wacho ane mashavi api muchivanhu chake.

“Mudzimai ane shavi renjuzu pakunoroorwa unotokumbirirwa kushavi iri roziva, zvimwe chetewo nekuti uite nhumbu nekuita vana, shavi iri rinofanirwa kukumbirwa – kwotoitwa mabiko ekurizivisa. Pasina izvozvo hauite mwana muupenyu hwako,” vanodaro.

Mbuya Nhamburo vanoti kune mamwe madzimai ane mashavi edona ayo anosema varume zvinoita kuti vafunge kuti mumba havasi kudiwa nemadzimai avo.

“Zvinoguma zvoita sekunge unodadirwa. Izvi zvinogona kunge zviri izvo zvakaitika munyaya iyi uyewo madzimai mazhinji akanaka anoteverwa nemashavi enjuzu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links