‘Kurwisa Covid-19, chibharo   kunoda mushandirapamwe’  

14 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
‘Kurwisa Covid-19, chibharo    kunoda mushandirapamwe’  

Kwayedza

Munyori weKwayedza 

VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vakoshese nyaya yekurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi kuburikidza nekubatwa chibharo kana mhirizhonga yemudzimba panguva iyo nyika iri mushishi nekurwisawo kupararira kwechirwe cheCovid-19.

Kurudziro iyi yakaitwa nemusi weChina chadarika  pagungano rakarongwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) rakabatana nemapurisa ari kuchikamu cheVictim Friendly Unit (VFU), Adult Rape Clinic, Gender Commission, Musasa Project, UNFPA nemamwe masango anorwira kodzero dzevanhu muguta reHarare apo vainzvera matanho angatorwa kuitira kuti vanhu vanenge vambunyikidzwa vabatsirwe nenguva.

Kudzai Mandizha anova project manager kusangano reFamily Support Trust anoti nyika yakagara iine dambudziko remhirizhonga asi kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kwakabva kwaita kuti nyaya idzi dziwande.

“Madzimai nevanasikana vari panyatwa huru kupinda varume. Kuuya kwakaita chirwere cheCovid-19 kwakaona nyaya idzi dzichiwanda vamwe vachikundikanda kudzimhan’ara kumapurisa nenguva. Isu tinowanikwa pazvipatara zvakasiyana apo tine mipanda inobatsira mukupanga mazano vanenge vambunyikidza nenzira yebonde uye tinoshanda nemapurisa kuti nyaya idzi dzimhan’arwe,” anodaro.

Chief Superintendent Jessie Banda vanova murongi mukuru kuZimbabwe Republic Police (ZRP) Victim Friendly Unit (VFU) vanoti zvakakosha kuti munhu anenge ambunyukidzwa nenzira yepabonde akurumidze kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa apo nyaya yake ichizomhan’arwa.

“Munguva zhinji, vanhu vanenge vabatwa chibharo vanonetseka kuti votanga zvipi kuenda kunomhan’ara kumapurisa here kana kuti vonanga kuchipatara kunorapwa. Zvakakosha kuti munhu anenge abatwa chibharo awaniswe rubatsiro rwekurapwa mukati memaawa 72 kuitira kuti apihwe mishonga yePost Exposure Prophylaxis inobatsira kudzivirira kutapurirwa kwehutachiona hweHIV uye kuti ange achidzivirirwa zvekare panhau yekubata pamuviri. Nyaya inokwanisa kuzomhan’arwa kumapurisa mushure mekurapwa asi zvese izvi zvinofanira kuitwa nenguva uye pachine umbowo,” vanodaro.

Chief Supt Banda vanoti vanhu vanenge vashungurudzwa nenzira yechibharo vanoda zvekare kupangwa mazano kuitira kuti vasashungurudzike zvakanyanya mundangariro uye varambe vaine tariro nehupenyu.

“Tine makamba emapurisa anodarika 298 munyika uye kamba imwe neimwe ine chikamu cheVFU vanoona nezvenyaya idzi. Vamwe vanokwanisa kuchaya nhare kana kuenda vega kunomhan’ara asi kwoita vanokwanisa kumhan’ara muchihwande (anonymous reporting) asi zvichibatsira kuti mapurisa aite ongororo,” vanodaro Chief Sup Banda.

Floridah Mapeto anova mukushi wemashoko kusangano reAdult Rape Clinic anoti vane mipanda inowanikwa muzvipatara zvizhinji apo vanopanga mazano nekurapa vanenge vabatwa chibharo.

“Dambudziko guru nderehuwandu hwemadzimai nevanasikana avo vanopedzisira varasa nyaya dzavanenge vambomhan’ara kumapurisa mushure mekumbunyikidzwa nenzira yechibharo. Vamwe vanopa zvikonzero zvakadai sekuti nyakumbunyikidza anenge ari mwana wemumusha uye ari nherera, ndibaba saimba vanga vachiriritira mhuri, ihama yepedyo kana kuti vanenge vasarudza kuripirana pachivanhu, pakati pezvimwe. Tinoshuvira kuti vanhu vanenge vambunyikidzwa vachengetedzwe kuti vasazosangana nerusarusa munharaunda uye tiri kuona shanduko huru pakumhan’arwa kuri kuitwa nyaya dzerudzi urwu mumapepanhau nenhepfenyuro dzakasiyana,” anodaro.

Sangano reUNFPA rinoti chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa raramo yemadzimai akazvitakura apo vamwe vacho vari kukundikana kuenda kuzvipatara kunobatsirwa nenguva izvo zviri kukonzera ndufu dzemadzimai nevana, pakati pezvimwe.

Mamwe madzimai nevanasikana vari kugumisira vava kunobatsirwa mudzimba kana nananyamukuta vasina kufundira basa iri zvinoita kuti vakundikane kupinda muzvirongwa zvekudzivirira hutachiona hweHIV kuvana kubva kuvabareki (Prevention of Parent to Child Transmission of HIV).

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>