Kurwisa kubatwa chibharo

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Kurwisa kubatwa chibharo Mai Regina Mabau vachidzidzisa vana vakabva kuzvikoro zvakasiyana pamwe nevanhu vakuru matanho avanofanirwa kutora kana munhu abatwa chibharo.- Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

Mai Regina Mabau vachidzidzisa vana vakabva kuzvikoro zvakasiyana pamwe nevanhu vakuru matanho avanofanirwa kutora kana munhu abatwa chibharo.- Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Mai Regina Mabau vachidzidzisa vana vakabva kuzvikoro zvakasiyana pamwe nevanhu vakuru matanho avanofanirwa kutora kana munhu abatwa chibharo.- Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vakabva kuzvikoro zvakasiyana vakafundiswa nezvenzira dzekurwisa kubatwa chibharo pamwe nematanho avangatore kana zvichinge zvaitika.

Zvidzidzo izvi zvakaitiswa nesangano reFamily Support Trust (FST) kuHarare Agricutural Show ichangodarika.

Vachitaura neKwayedza, Mai Regina Mabau, avo vanove murongi (outreach and training officer) kusangano iri, vanoti vanobatsira vanakomana nevanasikana vane makore ari pasi pe18 okuberekwa vanenge vambunyikidzwa, zvikuru nenzira yechibharo.

“Family Support Trust isangano rakazvimiririra iro rinoshanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukurwisa kubatwa chibharo kwevana.

“Donzvo redu guru nderekuona kuti kana vana vachinge vabatwa chibharo vakurumidze kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa kuitira kuti vadzivirirwe kuzvirwere zvakaita seutachiona hweHIV kuburikidza nemishonga yavanowaniswa kuzvipatara uye kuti mhosva dzakadai dzimhan’arwe pachine umboo,” vakadaro Mai Mabau.

Vanoti vanobatsira kunyangwe vanhu vakuru pasina muripo.

“Handi vana bedzi vatinobatsira asi kuti chero vanhu vakuru. Kana vakauya vaine matambudziko aya tinovabatsira nekuvapanga zvavanofanira kuita nekwekuenda kunomhan’ara uye tiri sangano risina rusarura.

“Takaona kuti mwanasikana ndiye ari panyatwa yekushungurudzwa nenzira yechibharo kupinda mwanakomana.

‘‘Chikamu che79 percent chenyaya dzatiri kupfuudza kuzvipatara ndechevanasikana vari kushungurudzwa nenzira yechibharo apo vakomana vaine 4 percent,” vakadaro.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kumbunyikidza vana nenzira yechibharo imhosva huru inoendesa kujeri kwemakore mazhinji.

Pari zvino sangano reFST riri kushanda nezvipatara zvinosanganisira Harare Central Hospital, Chitungwiza Central Hospital, Mutare Provincial Hospital neBeitbridge District Hospital uye vari kutarisira kuzovandudza mashandiro avo kuti vange vachipinda kumaruwa.

Vanotizve matambudziko avari kusangana nawo ndeekuti vamwe vana vanenge vasingakwanise kutsanangudza zvinenge zvaitika kwavari nekuda kwezera ravo sezvo vanenge vachiri vadiki.

“Somuenzaniso, vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa vazhinji vacho vanenge vasati vave kugona kutaura.

‘‘Saka pakadai apa tinotomboedza kushandisa zvidhori kana zvinyorwa nemifananidzo kuti vange vachidudza kuti vambunyikidzwa nenzira dzipi kuitira kuti zvive neumboo kumatare edzimhosva,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>