Kushata kunobhadhara – Masvinu

21 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Kushata kunobhadhara – Masvinu William Masvinu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIRUNYENYE wekumbotora mukombe wekushata munyika yose, William “Masvingo” Masvinu, anoti zvekunyangara pachiso chitori chipo chakapfunya chisero mumhuri yake sezvo kuine mukoma wake uyo waanokwikwidzana naye pakunyangara.

Murume uyu – uyo anoshanda sahwindi paMbare Msika uye kumusha achibva kwaMunyikwa kwaGutu, kuMasvingo – anoti zvipo, sechake chekunyangara, hazvirambwe.

“Zvipo zvose zvinobva kunaMwari, isu mumba medu tine zvipo zvekunyangara. Takaberekwa tiri 9, ndine mukoma wangu wekuti ndikamutarisa ndinofa nekuseka nekuipa uko akaita zvisinei zvazvo kuti ndakamukunda pakuita chipurunyenye,” anodaro Masvinu (48).

Murume uyu akambotora mukombe wekuipa pameso munyika yose weMr Ugly Zimbabwe asi akazoubvutirwa naMison Sere (54) wekuMabvuku, muHarare.

Masvinu anoti akabiridzirwa paakatorerwa mukombe uyu sezvo achifunga kuti hakuna anoti pwe kana pari pakunyangara pachiso.

“Mukombe wekuipa ndewangu kwete zvanaMison Sere izvo. Akadzura mazino kuti ahwine mukombe wekunyangara.

“Nyanzvi yekunyangara ndini ndine dzinza rinozivikanwa nekuipa. Mukoma wangu anozivikanwa nekuipa asi kwandiri haana dhoo.

“Chionai ndava kuita mari nekuipa, izvozvi doro randiri kunwa iri ndatengerwa nemunhu anga achida kutorwa mufananidzo neni. Ndinoti mukombe ndewangu ini Masvinu kuMbare kwedu nekuEpworth kwandinogara nekwaGutu kuMasvingo kumusha kwangu.”

Masvinu

Masvinu anoti mumakwikwi eMr Ugly, ayo ari kutarisirwa kuzoitwa mwedzi mitatu kana mina iri kutevera, ari kuzotora mukombe.

 

“Makwikwi aya ari kutarisirwa kuzoitwa munguva pfupi iri kutevera saka ndinokoka zvipurunyenye zvose kumativi mana eZimbabwe kuti zviuye ndizvinyadzise ndichienda nemukombe wangu.

“Zvemakwikwi emuna2012 pane zvakaitika. Ini ndakashata zvechokwadi kwete zvekufungidzira.

“Nemari yandinowana mukunyangara uku ndakakwanisa kutenga mombe dzangu dziri kwaGutu asi ndasara ne4, dzimwe dzakafa nezvirwere. Pamusoro pezvo, ndine mbudzi hobho uyewo ndakavaka imba yangu kuEpworth,” anodaro Masvinu.

Anotiwo akakwanisa kunoroora mudzimai wake uyo aine vana vana (4) naye.

“Regai ndikutaurirei kuti hapana chisingabhadhare mukurarama, ndinoti mukombe wa2023 ndewangu, ndinenge ndichipo, nyanga ndedzangu. Ndikaenda pagirazi rewodhiropu kumba ndinofa nekuseka ndakazvitarisa ndichiona masimba aMwari ekusika munhu,” anodaro.

Masvinu anoti amai nababa vake vakashaika ari mudiki ndokuzokura achichengetwa nanasekuru vake.

“Takaberekwa tiri 9 asi wandinokwikwidzana naye pakuipa ndiGarisoni Tazira Maponda mukoma wangu.

“Rwendo rwuno ndinoti zvigorira zvose pakuipa nevaye vanoita sevanouya vachienda ngavauye tisangane ndivakunde. Tinoda kuti nyika isimukire nesu zvipurunyenye, tiende kunomirira nyika yedu kunze kana mhiri kwemakungwa chaiko sekuUK,” anodaro Masvinu.

Anoti anodanana zvakanyanya nemudzimai wake pamwe nekugara nemhuri yake pasina dambudziko.

“Mudzimai wangu nevana nedzimwe hama dzangu uyewo masahwira ose vanodada nekunyangara kwangu kwavanoti chipo chakabva kunaMwari icho chava kundipa chikafu chekudya mumba nemhuri yangu. Ndasimudzira zita redzinza rangu nekunyangara uku,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links