Kushomeka kweropa neCovid 

16 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Kushomeka kweropa neCovid  Molyn Chima

Kwayedza

Abel Ndooka 

SANGANO rinomiririra vanhu vanorarama nechirwere chekushomeka kweropa mumuviri, reSickle Cell Anaemia Trust Zimbabwe (SCATZ), rinoti varwere vakadai vanoda kurangarirwa, kunyanya panguva ino apo chirwere cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya munyika muno. 

Vanhu vanorarama nechirwere chekushomekerwa neropa ichi – icho chinozivikanwa nekunzi sickle cell anaemia – vanonzi upenyu hwavo hunoenda panjodzi huru kana vakabatwa neCovid-19. 

Executive director weSCATZ, Mai Molyn Chima – avo vanovazve muvambi waro – vanoti vanhu vanorarama nechirwere ichi vanoda rutsigirwo rwakasimba panguva ino apo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19. 

Munhu ane sickle cell anaemia anonzi kana akabatwa nechirwere chechikosoro kwenguva diki-diki anotogona kuswera atove muchipatara upenyu hwake hwave panjodzi. 

“Vanhu ivava vanoda kurangarirwa nekuti miviri yavo haidi kukanganiswa nezvimwe zvirwere. 

“Munhu ane sickle cell anaemia, Covid-19 ikamubata inotomukanganisa zvakanyanya apa mishonga yacho yagara inodhura nechekare,” vanodaro Mai Chima. 

Mai Chima vanokurudzira vanhu vanorarama nechirwere ichi kuti vatorewo matanho akakodzera ekuzvidzivirira kubva kuCovid-19 nekutevedzera matanho akatarwa sekupfeka mamasiki kana vari paruzhinji nekugeza mawoko nemvura ine sipo. 

“Sevanhu tinorarama nesickle cell anaemia, ndiri kukurudzira kuti ngatigare kure nevamwe vanhu panguva ino kusvika kunze kwanaka, kwave kugarika nekuti Covid-19 iriko uye iri kuuraya. 

“Munhu ane sickle cell anaemia ndinomutyira, haatofanire kubatira Covid-19 nekuti zvirwere zviviri izvi zvikasangana pamunhu panoita dambudziko guru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>