Kusimudzirwa munyaya dzehupfumi kwevanotengesa miviri

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Kusimudzirwa munyaya  dzehupfumi kwevanotengesa miviri Zvimwe zvezvinogadzirwa nemadzimai nevasikana vechidiki vachibatsirwa nesangano reDREAMS

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VANHU vanoita mabasa ekutengesa miviri kuGweru vakawaniswa dzidziso maringe nenyaya dzekudzivirira utachiona hweHIV.

Izvi zvakaitwa kuburikidza nemushandirapamwe wesangano reNational AIDS Council (NAC) neveDREAMS.

DREAMS zvinoreva kuti Determined, Resilient, Empowered, Aids-Free, Mentored and Safe uye chinangwa chavo ndechekupa ruzivo rwezveutano hwesikarudzi, kupanga mazano nekurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanasikana vachiri kuenda kuchikoro vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa pamwechete nemadzimai.

Pakashanyirwa nzvimbo iyi munguva pfupi yadarika neveNAC vakaita hurukuro nevamwe vanasikana ava vanosanganisira Tendai (20) uyo anoti ari kufunga kusiya basa rekutengesa muviri kuti aite rimwe bhizimusi rinomupa mari.

Tendai anoti akapihwa mwana achiri mudiki zvakaita kuti akundikane kudzokera kuchikoro.

Vabereki vake vakashaya achine makore manomwe ekuberekwa saka aichengetwa nambuya vake.  Paakaita pamuviri, mukomana wake akaramba kumuchengeta izvo zvakaita kuti agumisire ava kufamba mudzimba dzavanhu achitsvaka mabasa emaoko kusvika azobara.

Vamwe tete vake vane tsitsi ndivo vaisara nemwana wake apo vaimukurudzira kuti atsvake basa remumba.

Mushure mekukurukura nevamwe vasikana vaaitamba navo, Tendai anoti ndipo paakadzidziswa nezvemabasa ekutengesa muviri.

“Ndakaita pamuviri ndiine makore 13 ekuberekwa ndikasiira chikoro panzira. Ndakasununguka mwana wangu musikana ndava nemakore 14,” anodaro.

“Ndakazotanga mabasa ekutengesa muviri apo mwana wangu akanga ava nemwedzi gumi nemishanu. Ndakarapwa zvirwere zvepabonde zvakasiyana nekuti ndakanga ndisingashandisi dziviriro,” anodaro Tendai.

Anoti akazosangana nevesangano reThe Centre for Sexual Health and HIV AIDS Research Zimbabwe (CeSHHAR-Zimbabwe) rinova rakamufundisa nezvedziviriro yezvirwere zvepabonde.

“Iko zvino ndave neruzivo ndave kufundisa vamwe uye ndava kuda kusiya mabasa ekutengesa muviri kuti ndivambe bhizimusi rangu. Dambudziko riripo nderekuti zvinhu hazvisi kufamba mazuva ano munyika saka huni kana mbatya dzandinoda kutengesa zvinogona kutadza kutengwa,” anodaro.

VaMurari Hwingwiri vanova NAC Gweru Urban District AIDS Co-ordinator vanoti vari kudzidzisa madzimai nevasikana vanotengesa miviri kuti vaite mabhindauko akasiyana anovapa chouviri nechinangwa chekuti vakwanise kuzviriritira.

PIX: Zvimwe zvezvinogadzirwa nemadzimai nevasikana vechidiki vachibatsirwa nesangano reDREAMS

Rumwe rweruzivo runowanikwa kuburikidza neDREAMS

Share This:

Sponsored Links