Uncategorized

Kuumba hukama ndiro donzvo

29 May, 2020 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
HUKAMA zvinoreva kuziva munhu waugere naye, muvakidzani wako, waunoshanda naye kuti amuka nekuswera sei, utano hwake, zvamurwadza, zvamugumbura, zvamufadza, uchigoverana naye kana chekudya chaicho, nokuti hukama igasva hunozadziswa nekudya.

Hukama huri pakawanda. Pane hukama hweropa, hwerudzi, hwekuroorerana, hwekugarisana, hwepabasa, hwekubva kumusha kumwe chete kana kunyika imwe chete. Chikuru pahukama kugarisana zvakanaka.

Dare rino rinoti hukama hunosunganidza vanhu mudzimba, mumusha, mukambani, kana munyika. Mukomana nemusikana vanotorana semukadzi nemurume vanosvitswa padanho rekuroorana mushure mekunge vaviri ava, pamwe nemhuri dzavo, vaona kuti vanowirirana muzvinhu zvizhinji pakati pavo.

Panenge paine fungidziro yekuti zvishomazvo zvasara zvichapedziswa nenguva pavanenge vachitaurirana mushure mekunge hukama uhwu hwasungwa nekuroorana.

Patsika dzevaShona vemuno muZimbabwe, hukama hwekuroorana hunoitwa pajekerere vanhu vose vachiona kubatanidzwa kwemhuri mbiri idzi. Izvi zvinoreva kuti hukama hunoremekedzwa, uye hauitwe kaverevere.

Pose pane kaverevere panogara murume nemukadzi semhuri vamwe vehukama kana munharaunda vasingazvizive hapana kujeka, naizvozvo hapana hukama hwakanaka. Hukama hwakanaka hunoburitswa pachena.

Ndizvowo mumusha, mukambani kana mudunhu, hukama hwakanaka hunoumbwa kana zvinhu zvichiitwa pajekerere munhu wose achiwana mukana wakaenzana.

Hukama hwakanaka hunoumbwa nemuenzaniso pana zvose zvinoitwa mumusha, mukambani kana munyika. Pakashaya muenzaniso, vanhu vanogara vachiita makuhwa, kuvengana nekufungirana nokuti mashoko haafambe zvakanaka.

Mashoko anofamba kune vashoma. Kana mashoko achifamba kune vashoma, zvinoreva kuti vashomavo ndivo vanopihwa mukana wekuwana zviwanikwa mumusha, mukambani kana munyika, vamwe vachishaya.

Kana pakangoita mukaha wakadai chete, mumusha kana mukambani matove nekusarudzana. Kusarudzana uku ndiye muroyi mukuru apedza hama pose pane vanhu.

Avo vose vanenge vachiwana mukana vanoumba boka ravo, avowo vasingawane mukana voumba ravowo boka. Saka pose panoitwa chinhu, vanobva kumapoka maviri aya vanogara vachitapa zvinobva kune rimwe boka. Zvinotapwa izvi, zvimwe ndezvechokwadi asi zvimwewo ndezvemanyepo.

Kana munhu usiri muboka rimwe, zvimwe unoita manzwira, saka unoita zvekufungidzira chete. Pakuzopira veboka rako, pane kuwedzera kana manyepo kunoitwa. Kana zvadaro, moto weruvengo unobatidzwa wobvira, poshaya anoudzima, dzamara musha kana kambani yabatira moto weruvengo uyu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links