Uncategorized

Kwete zvibaba nezvimhamha

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

CHANDINODIRA Mwari ndechekuti havana musi wavakamboti, “Vana vangu mawandisa, handichakwanisa kuda vamwe vana pamusoro pevandiinavo.” Kudiwa naMwari kunobatidza magetsi ako zvekuti rima rinotiza semuroyi ayedzerwa. Manyepo aye ekuti Mwari vanoropafadza nemari, nemota, nezvimwe zvinhu zvinopa manyemwe.

Kudiwa kwako naMwari hakunei nezvinhu zvauinazvo kana zvausina, hakunei nehushasha hwako kana kuwanda kwemahotera awakarara maari. Mwari havataure chiRungu chega, uyewo huchenjeri hausi mune vane maDegree chete.

Mwari havataure nezvako vachitarisa hudofo hwako kana zvinonyadzisa zvawakaita. Mwari vakagara vachikuda iwe usati watombotanga kuzvida. Kana Mwari vakakugashira semwana wavo, zvinoreva kuti wakosha kudarika munhu ane barika.

Kana Mwari vakati, “Huyai kwandiri,” vimba navo nekuti hausi kushevedzwa nahwindi ari kuda kuti kombi yake izare agowana mari yekunotenga doro.

Kana Mwari vakushevedza, daira wakatambanudza maoko emwoyo wako nekuti havakude zvekukushandisa kana kuti vazokurasisa. Kana Mwari vachikuda, zvinoreva kuti unodika zvekutenderedza musoro! Eheka, iyewe chaiye.

Kana Mwari vachikuda uye vaine nzvimbo yako kudenga ravo, zvinoreva hausi chipepa cheAirtime chaparwa nhamba dzikashandiswa chichibva charasirwa pasi.

Mwari vanokuda, uye nyasha dzavo dzinoda kuti iwe pachezvako urege kuzviona setishu rafuriswa dzihwa. Kana Mwari vachikuona semunhu, zvinoreva kuti uri munhu. Kana vachikukoshesa, zvinoreva kuti wakakosha.

Kutenda hakusi kwekuti tibate nekuwana zvatinoda. Kutenda kuziva kuti Mwari havativimbise zvavasina. Nyangwe tikasazviwana iko zvino, tichazviwana nenguva yaMwari – uye munyika inotevera nekuti zvenyika ino ndezvenyika ino, uye vana vaMwari havasi venyika ino. Pano vana vaMwari vatori vatorwa.

Hatichadzokera kwatakabviswa naMwari kwatairarama muruvengo, muhumbimindoga, muhutsinye, mukuzvikudza, muruchiva nezvese zvisiri zvibereko zveMweya Mutsvene waMwari.

Sekutaura kunoita VaHebheru, dai takanga tichifunga nezvehupenyu hwataive nahwo tisati taponeswa naIshe Jesu, taingodzokera ikoko kuzvinhu izvozvo nekuti mukana wekudzokera tinawo. Asi chinoita kuti tisadzokere ndechekuti tave kuziva kuti kune imwe nyika iri nani kudarika nyika yatakambogara mairi yehasha, yehuipi husingadiwe naMwari. Hatichadzokera ikoko nekuti tave kutsvaga nyika yedenga – ndizvozvo zvakataurwa naPaul kuti, “Fungai zviri kumusoro kudenga, musafunge zviri panyika pasi.”

Nekuda kwekuti tiri kutsvaga imwe nyika iri nani, ine nzira dzisina maPotholes nema”roadblock” eZRP – tinoiwana chete nyika iyoyo nekuti Mwari vakatigadzirira guta.

Mwari havativimbise zvavasina, ririko guta rakamirira kugarwa nesu. Ngatirege kufa neshungu dzekutsvaga kuve nemari zhinji, kana kufamba nemota inenge imba, kana kugara mumba inenge mota, kana kupfeka hembe dzinenge maruva. Nekuti mushure memakore zana kubva nhasi, zvese zvawaikoshesa uchishaira hope nekuda, zvinenge zvisisina basa. Mota dzinenge dzave muMuseum, dzimba dzinenge dzave mazumbu ehuku. Chakakosha kuisa hupenyu mune zvisingapere, kwete zvenguva ino.

MaDhachi akaimba kuti, “Nhambo dzinongosienda. Zuva, mwedzi, gore . . . Shoka dzedu dzinodzimwa pamakwara edu ose. Towa samashazhu.”

Kana uchiziva kudonha kwesanzu, unonzwisisa nyaya iri kutaurwa nechimbo ichi. Unodonha zvekusara waita tumedu-tumedu zvekuti haudzokere pane zvawanga uri.

Usakanganwe kuti Mwari vakakugadzirira guta risingaende magetsi, risingabhadharwe mvura, risina mapepanhau anopururudzira hupombwe nehuori. Guta raMwari harina vane simba kudarika Mwari, nekuti vese varimo vanofara kunzi vana vaMwari kwete zvibaba nezvimhamha, bhigazi, murungu kana shefu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>