Level 2 lockdown yawedzerwa

03 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Level 2 lockdown yawedzerwa

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

MATANHO ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 akawedzerwa zvakare nemamwe masvondo maviri nevakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika Dr Constantino Chiwenga nemusi weChipiri.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – ndivo vakazivisa nezvekuwedzerwa kwelockdown iyi.

Level 2 lockdown yakatanga munaGunyana zvichitevera kudzikira kwekupararira kwedenda iri mushure mekunyuka kwechikamu chechitatu chechirwere ichi (third wave) apo mutungamuriri wenyika President Mnangagwa vakanyevenutsa matanho aya kubva paLevel 4.

Izvi zvakaona vanhu vakabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 ose ari maviri vachitenderwa kuti vadyire munzvimbo dzinotengesa chikafu, mitambo ichipihwa mvumo kuti ichitanga uye mabhawa nemanight club achivhurwa zvakare.

Pasi peLevel 2 lockdown, vemabhizimisi vanofanirwa kuvhara na7 manheru apo vanhu vasingatenderwe kufamba-famba zvisina tsarukano (curfew) kubva na10 manheru.

Zimbabwe yakwanisa kudzivirira kupararira kwedenda iri pamwe nendufu zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende.

Kana kupararira kwedenda iri kwakadzikira, Level 2 inoshandiswa senzira yekuti mamiriro ezvinhu agadzikane asi kana huwandu hwevanhu vanowanikwa vaine chirwere ichi hukakwira, nyika inobva yaenda paLevel 4.

Zvisinei, gore rapera panguva yezororo rekirisimasi pakave nekunyuka kechipiri kweCovid-19 (second wave) apo veruzhinji vakange vavarairwa vasingatevedzere matanho ekurwisa kupararira kwedenda iri izvo zvakaona nyika ino ichienda paLevel 4 lockdown. Sezvo zororo rekirisimasi rave pedyo, zvakakosha kuti pange pachitorwa matanho akasimba ekudzivirira kunyuka zvakare kwechirwere ichi sezvakaitika gore rapera.

“Masvondo maviri adarika, akaona kudzikira kwenyaya dzevari kubatwa neCovid-19 izvo zviri kuita kuti nyika iwane nyaya itsva dzepakati nepakati dzinosvika 45 pazuva dzevari kuwanikwa vaine denda iri nemunhu mumwe ari kufa pazuva,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

“Uyu mucherechedzo wekuti matanho elockdown ezveutano ari kubatsira zvakanyanya mukudzivirira kupararira kwehutachiona.”

Sen Mutsvangwa vanotondedza veruzhinji kuti Zimbabwe yakatanga kubaya majekiseni ekudzivirira Covid-19 kune vose vane makore 16 okuberekwa zvichitevera kubudirira kwechirongwa chekubaya nhomba vane makore 18 zvichikwira.

Medicines Control Authority of Zimbabwe yakabvumidzwa kushandiswa kwemushonga wakagadzirwa kuChina weSinovac vaccine mukubaiwa kwevane makore 16 okuberekwa.

“Pasi rose uye nemunyika muno, hurukuro maringe neutano hweveruzhinji dzange dziri pamusoro pekuti chirongwa chekubaiwa majekiseni chipambire kuvana nevamwe vakadai semadzimai akazvitakura nevanoyamwisa.

“Zvichienderana neongororo yesainzi yakaitwa pamwe nekupihwa gwara neMedicines Control Authority of Zimbabwe, nyanzvi dzezveutano dzaona zvakakodzera kuti vane makore 16 kusvika 17 okuberekwa vabaiwe majekiseni aya pachishandiswa mushonga weSinovac Covid-19 vaccine,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti Hurumende, kuburikidza nebazi reutano nekurerwa kwevana, yakazvipira mukuona kuti chikamu che60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe vabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 panopera gore rino kuti nyika inge yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links