Uncategorized

Mabasa abata mabasa

08 Apr, 2021 - 14:04 0 Views
Mabasa abata mabasa Ignatius Mabasa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI mukunyora mabhuku, dambanevana, nyanduri uye ari muimbi – Ignatius Tirivangani Mabasa – anyora nhoroondo pasi rose zvichitevera kubura kwaakaita zvidzidzo zvekutanga zveChiShona zvePhD Thesis paRhodes University yekuSouth Africa.

Mabasa akanyora nhoroondo iyi mushure mekuita zvidzidzo zveAfrican Language Studies kuchikamu cheSchool of Languages and Literatures kuSouth Africa.

Achawaniswa chitupa chake cheRhodes University Doctrate mwedzi uno uye izvi zvichaitwa padandemutande (virtual graduation ceremony) nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Chinyorwa chaMabasa chakaita kuti aitwe muzvinafundo chine musoro unoti: “CHAVE CHEMUTENGURE VHIRI RENGORO: HUSARUNGANO NERWENDO RWENGANO DZEVASHONA.”
Mabasa anoti anofara zvikuru nekucherechedzwa pabasa rake uye anodada nerurimi rwaamai.

“Ndakatanga kugona kupa nhoroondo kana kutaura ngano ndichiri mudiki kwazvo panguva iyo ndakanga ndisati ndava kugona kunyora kana kuverenga, kureva kuti zvaive muropa. Mukuzvarwa kwayo nzou inofanira kudzvova kwete kuchema sekiti nokudaro bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga,” anodaro Mabasa.

Anoti kushandisa kwaakaita rurimi rwaamai kwaiva kuda kuratidza kuti anodada narwo nekuti kazhinji mutauro uyu unotarisirwa pasi.

“Nyaya dzekudzvanyirirwa nevachena dzichiri mupfungwa dzevanhu nekuti munhu anotaura neChiShona anotorwa seasina maturo izvo zvinoita kuti vazhinji vapedzisire vava kuita zvinhu zvavasingadi. Unoita seusingadiwi panzvimbo.

“Ndicho chikonzero ndakaedza kuda kupedza rusarura urwu nekuita fundo yangu neChiShona kuti ruzhinji rwuzive kuti mutauro uyu unotambirika uye wakanaka, ndewedu hatifaniri kuurasa nekutya kusekwa. Marudzi nemarudzi ari kushandisa wani mitauro yavo, havasi kukopera yedu zvatinoita isu nekuti takapambwa mupfungwa,” anodaro Mabasa.

Budiriro yaMabasa iyi inoratidza basa guru riri kuitwa neHurumende mukusimudzira nyaya dzedzidzo kubvira pakawana Zimbabwe kuzvitonga kuzere mugore ra1980.

Izvi zvaona nyika ino ichive pamusoro muAfrica panyaya yevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>