Mabasa awondonga

03 May, 2021 - 17:05 0 Views
Mabasa awondonga

Kwayedza

Enacy Mapakame

KUNYUKA kwechirwere cheCovid-19 kunonzi kwakakonzera kuti mawanirwo emari nevanhukadzi vanorarama nemabhindauko akasiyana kudzikire nechikamu chinodarika 50 percent pasi rose.

Izvi zvakabuda muongororo ichangobva kuitwa nesangano reGraca Machel Trust (GMT)’s Women’s Economic and Social Advancement (WESA) iyo inoratidza kuti vanhukadzi vakange vachangotanga kuita mabhindauko ndivo vakanyanya kudzoserwa kumashure mabasa avo nekuuya kwakaita denda iri.

Sangano reGMT – iro rakavambwa naMai Graca Machel vanove mudzimai wevaimbove mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, mushakabvu VaNelson Mandela – riri kushingairira kuti pave nekudzoreredzwa uye kuvandudzwa kweupenyu hwevanhukadzi uho hwakadzoserwa kumashure zvikuru nekuda kweCovid-19 muAfrica.

Gwaro rezvakabuda muongororo iyi rakanyorwa naMai Moira Ngaru vachibatsirana neCathrine Dzingire.

“Vanhukadzi vari mumabhizimisi avanozviitira voga (informal businesses) vakarasikirwa nechikamu chinodarika 50 percent chenzira dzavanowana nadzo mari nekuda kwematanho akatorwa ekuti vanhu vasaite chitsokotsoko (senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19) izvo zvakaona kudzikira kwehuwandu hwevanhu vanoshanyira misika yavo,” vanodaro Mai Ngaru apo vaizivisa zvakabuda muongororo iri pagungano reGMT National Association of Business Women Zimbabwe (NABWZ) rakaitwa svondo rapera muHarare.

Vamwe vanhukadzi vaive nezvikwanisiro zvekushandisa vanonzi vakakwanisa kutsvaga dzimwe nzira dzekuvandudza mabhindauko avo dzinosanganisira kushambadza uye kutengesa vachishandisa dandemutande.

Kunyangwe zvazvo Hurumende yakavamba homwe nezvirongwa zvekubatsira vanhu vanorarama nekuita mabasa emaoko, nyaya yekushaya ruzivo pamusoro pezvirongwa izvi ndiyo inonzi yakatadzisa vamwe vanhukadzi kuti vange vachibatsirika.

Mai Ngaru vanoti vanhukadzi vanofanirwa kuve chikamu che50 percent chevanhu vanenge vari mumakomiti ebudiriro padanho redistrict, purovhinzi nerenyika yose.

“Hurumende dzinofanirwa kuve nenzira dzakajeka dzekufambisa mashoko ari pamusoro perubatsiro rwunokwanisa kupihwa kune vanoita mabhindauko emabhizimisi madiki neari pakati nepakati (SMEs),” vanodaro.

Mai Ngaru vanoti zvakakosha kuti pave nezvirongwa zvakananga kusimudzira vanhukadzi nekuvawaniswa masimba munyaya dzeupfumi senzira yekudzoreredza kurasikirwa kwavakaitwa munyaya dzemabhizimisi zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

Zvakabuda pahurukuro yakaitwa pagungano iri kuti zvimwe zviri kudzosera budiriro yevanhukadzi kumashure kusadyidzana kwavo kwakasimba munyaya dzemabhizimisi izvo zvinoita kuti vashaye ruzivo pamusoro pezvirongwa zvavanokwanisa kuwana rubatsiro.

VaAbsolom Masendeke vekusangano reGMT vanoti zvakakosha kuti pave nekudyidzana kwakasimba pakati pevanhukadzi nechinangwa chekuti vakwanise kupanana mazano pamusoro pemisika uye matambudziko avanosangana nawo.

“. . . kuvepo kwemisika ndizvo zvimwe zvimhingamipinyi zvinosangana nevanhukadzi vanoita mabhindauko akasiyana, kunyangwe zvavo kuine vamwe vabudirira uye vave kukwanisa kutengesa pamisika yepasi rose,” vanodaro.

Sangano reGraca Machel Trust’s WESA rine donzvo rekuti vanhukadzi vasimukire munyaya dzeupfumi uye nekuvandudza raramo yavo kuburikidza nekudyidzana muAfrica.

Share This:

Sponsored Links