Uncategorized

Mabhawa ovhurwa husiku

22 Feb, 2021 - 13:02 0 Views
Mabhawa ovhurwa husiku Insp Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SADUNHU Murape vekuDomboshava, VaTendai Gilbert Mungate, vanoti vari kushushikana nekuda kwevanamuzvinhabhizimisi vane mabhawa avo vari kuvhura kusvika pakati pehusiku uyewo nevamwe vanhu vari kuita mabasa echipfambi vachingomberereka izvo zvinopesana nemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 “lockdown”.

Pasi pemitemo iyi, vemabhawa havazi kutenderwa kuvhura uye veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba.

Sadunhu Murape vanoti kune mabhawa ari kuvhurwa husiku anosanganisira mabottle store ari paMutake, paMverechena nepaShowground mudunhu ravo.

Pamusoro pezvo kune vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri avo vari kungomberereka kumabhawa ari kuvhurwa zvechitsotsi aya.

“Ndinogara ndichitaura nemapurisa eZRP emuno kuti vasunge vanhu ava kusanganisira vari kuvhura mabhawa zvisiri pamutemo nekuti mukuita kwakadai vanhu ava vanoramba vachiparadzira Covid-19.

“Nguva ino tiri mulockdown apo vanhu vari kunzi nemurawu vagare kudzimba. Handizive kuti ivo vanasikana ava vanodei vanoita mabasa echipfambi. Kana iri nzara, muno mune mvura saka ngavarime mapindu vapedzere simba ikoko pane kupedzera pachipfambi. Zvinondinyadzisa kunzwa kuti dunhu rangu ranetsa nechipfambi,” vanodaro Sadunhu Murape.

Vanoti mudunhu ravo mune vanhu vakawanda vakawaniswa pekugara vakabva kunzvimbo dzakasiyana uye vamwe vacho vave kufumura makomo anoera vachinoita mabasa echipfambi imomo.

“Ndakafirwa nemumwe sabhuku muno ndikaenda kunhamo ikoko. Zvandakaona parufu zvinonyadzisa, pfambi dzichifuridza zvibharuma zviya zvemakondomu vachirakidza kuti vaimbodanana nasabhuku uyu.

“Tinoda masabhuku anochengetedza chivanhu kwete kubatsira kufumura nyika kudai. Tinoti hatibatsiranei kutevedzera mutemo wekurwisa Covid-19,” vanodaro Sadunhu Murape.

Vagari vemunzvimbo iyi vari kuchema-chemawo kuti humbavha huri kuwandawo uye vane fungidziro yekuti dzimwe dzembavha dziri kuvabira padzinenge dzobva kumabhawa ari kuvhurwa zvechitsotsi pakati pehusiku aya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti vose vanobatwa vachityora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 vanorangwa nemutemo.

“Vose vari kuita izvi vanofanirwa kusungwa votorerwa doro racho ravanotengesa netsamba dzavanoshandisa mumabhawa avo. Mutemo panguva ino haubvumidze kuti vanhu vavhure mabhawa, tinokurudzira kuti vanhu vatevedze mitemo yenyika,” vanodaro Insp Mwanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>