‘Mabhinya’ ava kuda Graham Potter

08 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
‘Mabhinya’ ava kuda Graham Potter Graham Potter

Kwayedza

Munyori weKwayedza

CHIKWATA chenhabvu chekuEngland, cheChelsea chinonzi chiri kuita hurukuro nemurairidzi weBrighton & Hove – Graham Potter – uyo wavanoda kuti agotsiva Thomas Tuchel zvichitevera kudzingwa basa kwaakaitwa nezuro.

Varairidzi vakawanda vanosanganisira Zinedine Zidane naMauricio Pochettino vange vachifungidzirwa kuti vanogona kutsiva Tuchel sevarairidzi ve”Chele” kana kuti “Mabhinya”, asi pane mashoko anoti Potter ndiye ari kudiwa neChelsea.

Chikwata cheBrighton & Hove chakatopa Potter mvumo yekuti akurukure neMabhinya uye zvikafamba zvakanaka, anotarisirwa kunge akagara pabhenji reChelsea svondo rino apo ichasangana neFulham.

Kana Chelsea ikaita chibvumirano naPotter, inotarisirwa kubhadhara mari inosvika 12 miriyoni paunzi yekumutenga kubva kuBrighton.

Share This:

Sponsored Links