Uncategorized

Mabhonzo paguva idzva

05 Feb, 2015 - 15:02 0 Views
Mabhonzo paguva idzva

Kwayedza

‘Kushinha uku, zvakaitwa nevanhu’

Kingstone Mapupu
VANHU vaive vachangobva mukuviga chitunha chemumwe mukomana kwaMafuruse, kwaShe Nyashanu kuBuhera, havana kana neremuromo neshura rakavavinga apo rechimangwana vakaona pamusoro peguva rehama yavo paine mabhonzo maviri, rimwe racho richitova nenyama nyoro.

Hazvina kuzivikanwa kuti mabhonzo aiva nenyama akawanikwa ari pamusoro peguva aya aive echii.

Itsika inoitwa nevakawanda muZimbabwe yekuti kana vaviga chitunha, zuva rinotevera racho hama dzepedyo dzechikuru dzinoenda kumakuva kunoona kana pasina kushereketwa kunenge kwaitwa husiku hwezuva rinenge ravigwa munhu.

Mashura aya akaitika pamusha paVaGivemore Mboho (56), vanova baba vemuchakabvu, Munyaradzi Mboho (23), uyo ane paguva pakawanikwa paine mabhonzo.

Munyaradzi, uyo aiva mwanakomana mumwe chete mumhuri iyi, anonzi akangofa asina kurwara munguva pfupi yakadarika.

Akafa apo ainge abva kuChipinge kwaaishandira Zimbabwe Prisons and Correctional Services (ZPCS) mushure mekunge amboenda kwaGutu, kuMasvingo, kwaiva naamai vake uko vanoshandira semukoti.

Murume wechidiki uyu anonzi ange asati aroora uye akanga angova negore nemwedzi minomwe atanga kushanda.

Pazoitika mashura aya, mutumbi waMunyaradzi unonzi wakavigwa zvakanaka apo ramangwana racho vehukama vakazoenda kuguva sezvinoitwa pachivanhu.

Sezvo guva iri rakanga raiswa simende iyo yaiva nyoro, vamwe vehukama vanonzi vakazodzokera zvakare kuma4 dzemasikati vachida kunoona uye kunodira mvura pasimende kuti iwome zvakanaka.

Ndipo pavakasvikosangana nemashura: Pamusoro peguva paiva pava nemabhonzo maviri, rimwe racho raiva nenyama nyoro.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo kuguva iri kwakange kwamboonekwa kuchitenderera makunguwo aiva akawanda zvekushamisa vanhu vainge vari parufu. Mabhonzo aya anonzi aiva akaiswa paviri, rimwe racho riri pakanyorwa zita, musi nezuva rakafa nekuberekwa kwemushakabvu.

Mabhonzo aya anonzi airatidza kuti aiva mhando dzakasiyana.

Baba vemuchakabvu, VaMboho, vakatsinhira nyaya iyi vachiti havazive kuti mabhonzo aya akanga abvepi.

“Mwana ane guva rakazowanikwa mabhonzo uyu ndewangu, ndiye aiva mwanakomana wangu mumwe chete,” vakadaro VaMboho.

“Munyaradzi akafa asina kurwara, angova nemwedzi 19 apinda basa. Takaviga chitunha kuno kumusha, pachivanhu takamukira kunokumbura mudzimu kuma4 mangwanani ndokusvikowana guva risina chakaipa.

“Takazodzokera zvakare kuma 9 dzemangwanani iwayo tichinodira mvura pasimende yataiva taisa paguva iri tikawana zvakare pasina chiripo. Zuva rodoka, ndingati kuma4, munin’ina wangu nevamwe vakazoendazve kuguva uku vachida kunodirazve mvura apo vakasvikosangana nemashura aya. Vakanowana mabhonzo maviri aya,” vakadaro.

VaMboho vanoti munin’ina wavo nevamwe vehukama vakadzoka kumba ndokusvikotaura zvechishamiso ichi.

“Vakanga vaona mabhonzo pamusoro peguva, ini nevamwe tichibva taenda kuguva uko takasvikozvionera. Mabhonzo aya aiva ari pataiva tanyora zita remuchakabvu, pamusoro peguva.

“Takaitisana nharo vamwe vachiti tisaabvise titange tafamba asi ini ndakaabvisa ndikaramba kufamba kun’anga kana kumaporofita nekuti ndaiti zvaisamutsa munhu izvozvo,” vakadaro baba vemufi.

Vanoti mabhonzo aya vakangoarasa musango pasina chivanhu chavakaita sezvaidiwa nevamwe.

Nyaya yekuti kwakaonekwa makunguwo akawanda paguva iri, vakairamba vachiti kwakangoonekwa gunguwo rimwe chete iro ravakati raiva rakamhara paguva reimwewo hama yavo yakafa kare, kwete remwana wavo.

“Nyaya iyi inonetsa nekuti kune hama dzangu dzakawanda dziri kuHarare dzisina kuuya kuzobata mawoko. Izvo zvekuti paiva nemakunguwo vanhu vanoda kuvhara zvavo nyaya chaiyo, aya mabhonzo akaiswa nevanhu.

“Handizive kuti nechikonzero chei, mwana uyu aiva nechipo zvekuti vedzinza tose tinorwadziwa zvikuru. Aigona kuzosimudza dzinza redu rose.”

VaMboho vanoti havana kumboona hurwere hwemwana wavo pakufa kwake izvo vakati zvinovarwadza zvikuru.

Zvakadai, Kwayedza haina kukwanisa kunosvika paguva raMunyaradzi nekuda kwekuti VaMboho vakawanikwa vasiri pamusha pavo sezvo vaiva kuchiteshi chemabhazi uko vaiti vaimirira vaenzi.

 

Share This:

Sponsored Links