Mabvuku yochema nekushaya mvura

18 Mar, 2021 - 14:03 0 Views
Mabvuku yochema nekushaya mvura Vanhu vaichera mvura pachibhorani chekuMabvuku

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI anogara mumusha weMabvuku neweTafara, muHarare, vari kuchema nekunetsa kuri kuita mvura yekushandisa ikoko vachiti kana dambudziko iri rikanonoka kugadziriswa rinogona kukonzeresa zvirwere zvemanyoka kana cheCovid-19.

Vachitaura neKwayedza svondo rino padivi pechirongwa che”Hurukuro Patsime” icho chinotsigirwa nesangano reCommunity Water Alliance uye chakaitirwa paHunter Water Collection Point munzvimbo iyi, Mbuya Grace Bomba (78) vanoti dambidziko remvura riri kuvashungurudza zvakanyanya sevanhu vakwegura.

“Mvura tinoida mazuva ose kuti tikwanise kuwacha, kubika nekuzvishambidza maoko kudzivirira iyo Covid-19 yadai kunetsa iyi. Tine varwere kudzimba vanoda rubatsiro rwedu isu madzimai saka kana pasina mvura kana zvimbuzi zvinoshanda zvinobva zvatinetsa.
“Kana pasina mvura yakakwana dziviriro yeCovid-19 inotonetsa. Vamwe tinochengeta vazukuru nekupepa varwere asi mvura tinoita yekupihwa migomo mitatu pazuva,” vanodaro Mbuya Bomba.

Vanoti chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa zvikuru kunyangwe nyaya dzetsika nemagariro echivanhu.
“Kutaura kudai hatichakwanisa kuviga hama dzedu zvine mutsigo sezvataisiita kare nekuti hazvisi kutenderwa neHurumende kuti vanhu tiungane sezvo zvichikonzera kupararira kwechirwere,” vanodaro.

Mudzimai wechidiki, Tanyaradzwa Nhapi  anoti vanhukadzi vanobata mabasa akawanda mudzimba ayo anoda kushandiswa kwemvura.
“Tinoda mvura yekuwacha manapukeni, kubika, kugezesa vana neyevanhu vakuru. Saka kushaikwa kwemvura kunotituma kunoungana kuzvibhorani uko kunogona kunyuka Covid-19,” vanodaro.

Vanoti munzvimbo yeMabvuku neTafara mune vechidiki vakawanda avo vasina mabasa nekudaro vanoedza kuvaraidza pfungwa dzavo nekutora zvinodhaka sembanje, musombondhiya nezvimwe zvichichiita kuti vaswere vakaungana pazviteshi vasina kupfeka mamasiki zvinova zvinopokana nemutemo weWorld Health Organisation yekudzivirira Covid-19.

Zvichakadai, sangano reCommunity Water Alliance riri kufamba richiparidza mashoko ari maringe nekupedzwa kwemhirizhonga pazvibhorani uye dziviriro yechirwere cheCovid-19.

VaHardlife Mudzingwa, vanova murongi kusangano iri, vanoti madzimai anoita basa rakawanda risingabhadharwe sekuchera mvura yemhuri nemamwe mabasa emudzimba, nekudaro vanofanirwa kutsigirwa uye kuchengetedzwa kubva kumhando dzose dzemhirizhonga nezvirwere.
“Kugezwa kwemaoko nesipo nemvura inomhanya kwakakosha mukudzivirirwa kweCovid-19 asi tiri kuona nyaya dzakawanda idzo dzine chekuita nemhirizhonga sekurohwa, kubatwa chibharo nezvimwe zviri kuitika kuzvibhorani apo madzimai vanenge vachitsvaga mvura.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Simon Chazovachiyi vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzose dzine chekuita nemhirizhonga uye kuti vatevedze mitemo yose iri maringe nekurwiswa kweCovid-19 sezvo vapari vemhosva dzerudzi urwu vaine mikana yekusungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>