‘Machechi ane basa guru kusimudzira utano’

02 Aug, 2023 - 15:08 0 Views
‘Machechi ane basa guru kusimudzira utano’ Mai Gertrude Guveya

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

SANGANO rinomirira zvipatara zviri pasi pemachechi, reZimbabwe Association of Church Related Hospitals (ZACH), rinoti makereke ane basa guru rekukurudzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa nhomba dzekudzivirira zvirwere zvakasiyana, kusanganisira Covid-19.

Vachitaura pamusango wevatungamiri vemachechi nguva pfupi yadarika muguta reHarare, Mai Getrude Guveya, avo vanova training and programmes coordinator kuZACH, vanoti vemakereke anofanirwa kutaura neizwi rimwe chete mukukurudzira vanamati kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira zvirwere.

“Isu vemakereke tine basa guru ratinofanirwa kubata mukudzidzisa vanhu munharaunda dzatinobva kuti vakoshese utano hwavo vapote vachienda kunotariswa nemachiremba.

“Mugore ra2020, pakauya denda reCovid-19 iro nanhasi risati ranyatsopera, saka ngatiparidzire mumakereke edu kuti vanhu vaende kunobaiwa nhomba dzechirwere ichi vachengetedzwe kubva kwachiri pamwe chete nenhomba dzezvimwe zvirwere,” vanodaro.

Reverend Enock Chitanda, vanove munyori mukuru wesangano reUnion for the Development of Apostolic Churches in Zimbabwe (UDACIZA), vanotiwo vemachechi vane basa guru rekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Rev Enock Chitanda

Vanoti kuuya kwakaita Covid-19 kwakavavhura meso vakaona kuti makereke ane basa guru rekubata munyaya dzine chekuita nezveutano.

“Matiri kufamba tichidzidzisa vanhu nezvenhomba iyi, tiri kuona kuti vazhinji vakapihwa soko risiro. Vakuru vemakereke ngavapihwe soko rakanyatsotsvagurudzwa sekuti nhomba inogadzirwa sei sezvo vamwe vanhu vaitofunga kuti ndimo muri kubva zvirwere,” vanodaro VaChitanda.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Reverand Badi Lamband vekuMethodist Church in Zimbabwe, vanokurudzira vatori venhau kuti vaburitse zvechokwadi uye vasavhundutse vanhu kana pachinge panyuka zvirwere.

Rev Badi Lamband

“Kana kuchinge kwaitika zvirwere zvakaita seCovid 19, vatori venhau vanofanirwa kubuditsa chokwadi sezvachiri kwete zvinhu zvekuti vanhu vanorohwa nehana nekuti zvimwe zvacho zvakatoita kuti vatye kubaiwa nhomba uye zvinozotora nguva kuti kutya kuya kupere muvanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>