Uncategorized

Machechi otyora mitemo yeCovid

25 Jun, 2021 - 16:06 0 Views
Machechi otyora  mitemo yeCovid

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo nyika iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19, kune vamwe vanhu – kusanganisira vemachechi – vasiri kutevedzera matanho akatarwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwedenda iri izvo zvine njodzi huru sezvo zvichiisa utano neupenyu hweruzhinji panyatwa.

Ongororo yaitwa neKwayedza muguta reHarare, Chitungwiza, Mutare, Macheke neMarondera inoratidza kuti vemachechi kunyanya vachiri kuita misangano yavo yemasikati nemanheru vakawanda zvisinei nekuti Hurumende yakarambidza nyaya dzekuungana kwevanhu pazvirongwa zvose kusara bedzi kweparufu apo vanhu 30 chete vari ivo vanotenderwa.

Mamwe mabhawa ari kutotengesa zvekare doro pachena, vamwe vanhu vachionekwa vachitamba tsoro nemimwe mitambo yekubhejerana vasina kupfeka mamasiki.

“Vemachechi vanonetsa zvikuru nekuti kana vakatandaniswa masikati, vanogona kuita chiverevere vokokana pamaWhatsApp avo vachinonamata husiku. Vamwe havatodi zvemasanitizer pamakereke avo saka Hurumende inofanira kutomboita ongororo yakasimba pamwe nemapurisa kumisangano yose iri kuitika iyi kuti imiswe,” vanodaro VaJoseph Chikovo vekuWaterfalls, muHarare.

VaJohn Munatsi vekuMasvingo vanoti Covid-19 ichiriko, nekudaro veruzhinji vanofanira kudzidza kunamata vari mudzimba pane kuisa upenyu hwavo panjodzi.

“Kuno kuMasvingo kune vanhu vakawanda vanoenda kunyika yeSouth Africa vachipoya miganhu nekuti vanenge vasina mapasipoti saka mikana yekuunza mhando dzeCovid-19 yeko inowanda. Zvakakosha kuti vanhu vawaniswe dzidziso maringe nekuipa kwenyaya dzekuungana uye kupoya miganhu yenyika,” vanodaro.

Talent Chandipwisa wekuGlen Norah A, muHarare anotiwo vemakereke, zvikuru echipositori, vari kurara kumisangano nehuwandu hwavo.

“Kuno kune mapani akabva kurimwa saka ndiwo ava kushandiswa semachechi nemapositori zvekuti vanototakura huni votopedza mazuva vari panzvimbo imwe chete vachinamata. Vanhu vanobva kumatunhu akasiyana vanouya vachinamatirwa vachibatwa misoro yavo nemaoko asina kuzorwa sanitizer. Zvekuti kupfeka mamasiki izvo zviroto chaizvo,” anodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti imhosva huru vanhu kuungana panguva ino.

“Hurumende yakarambidza kuungana kwevanhu panzvimbo dzose kusara bedzi kweparufu apo vanhu 30 chete vari ivo vanotenderwa. Asi, vachitofanira kunge vakaparadzana kwemita imwe chete, vakapfeka mamasiki avo uye vachichengetedza utsanana nguva dzose kuburikidza nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka kana kushandisa sanitizer.

“Vese vachabatwa vakaungana vachinamata, kunwa doro mumabhawa kana kuti vachiita zvirongwa zvavo vachasungwa nekuti zvakarambidzwa, donzvo riri rekuderedza kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi

Asst Comm Nyathi vanokurudzira veruzhinji kuti vazivise mapurisa ari pedyo kana vachinge vaona vanhu vari kutyora mitemo yelockdown sezvo kuungana uku kuchikanganisa utano hweveruzhinji.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>