MaChevrons obandana neIreland

16 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
MaChevrons obandana neIreland Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chichabandana neIreland mumitambo mitanhatu inoti mitatu yeTwenty20 International (T20I) nemimwe mitatu yeOne Day International (ODI).

Mitambo yezvikwata zviviri izvi ichatambwa munaZvita kunhandare yeHarare Sports Club.

Muchinyorwa, Zimbabwe Cricket inoti mitambo yemaChevrons neIreland yekutanga ichaona zvikwata izvi zvichatatsurana mumitambo yeTwenty20 mazuva anoti 7, 9 na10 Zvita uye mitambo iyi ichipera yeODI inobva yatanga iyo ichatambwa mazuva anoti 13, 15 na17 Zvita.

MaChevrons neIreland zvakapedzisira kusangana kutanga kwegore rino munaNdira apo zvikwata zviviri izvi zvakatamba mitambo yeTwenty20 neODI zvekare.

Pamitambo iyi, maChevrons akakunda Ireland 2-1 mumitambo yeTwenty20, kuchiti weODI wakazopera uri mangange 1-1 sezvo mutambo wekupedzisira usina kuzopera kutambwa nekuti wakakanganiswa nekunaya kwemvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>