MaChevrons ofara

10 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
MaChevrons ofara Regis Chakabva

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chigere mudenga rechinomwe zvichitevera kukunda kwachakaita cheBangladesh mumitambo yeTwenty20 International Series (T20) pamwe chete neyeOne Day International (ODI).

MaChevrons ange aine makore anodarika mapfumbamwe asati ambokunda Bangladesh mumitambo yeODI, izvo akazoita svondo radarika apo akahwina mitambo miviri yavakatamba ndokuhwina series iyi vaine mumwe mutambo usati watambwa.

Mumitambo mitatu yeT20 yakatambwa nezvikwata zviviri izvi, maChevrons akahwina miviri, Bangladesh ndokuhwina mumwe chete kuchiti yeODI yatambwa kusvika pari zvino, maChevrons ahwina miviri (wechitatu wakatambwa bepa rino richitodhindwa).

Pamitambo iyi, mutambi wemaChevrons, Sikandar Raza ange achitamba seakasvikirwa izvo zvakamuona achitamba cricket inonwisa mvura ndokubatsira maChevrons kuhwina.
Anotungamira maChevrons, Regis Chakabva anoti kuhwina kwavakaita kwakaunza mufaro mukuru kuchikwata chavo pamwe nevatsigiri sezvo nguva yange yareba vasati vambokunda Bangladesh.

Anoti kushandura kwavakaita matambiro chimwe chezvikonzero zvakabatsira kuti vahwine mutambo uyu.
“Nguva yange yareba tichitatarika kukunda Bangladesh asi tadzoka, ndinoona kunge kushandura matambiro kwatakaita ndiko kumwe kwakabatsira kuti tinge tiri patiri nhasi, tichitamba mhando yecricket yepamusoro.

“Asi nguva pfupi yadarika tange tichibata mhando yecricket yepamusoro, uye Sikandar Raza semitambo yadarika, ange achitamba cricket zvinonwisa mvura.
“Tinovimba kuti tikaramba takadaro tinoenda mberi tichisimukira sechikwata,” akadaro Chakabva.

Vatsigiri vecricket vamwe vange vachiti kudzorwa kwakaita Dave Houghton kuzorairidza maChevrons ndiko kumwe kwakabatsira kushandura matambiro emaChevrons ayo ange achingohwina mitambo yose yaange achitamba kunze kwemumwe weT20i uyo vakakundwa neBangladesh asi vakazohwina mutambo wose sezvo pamitambo mitatu maChevrons akakunda pamiviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>