MaChevrons opinda muhondo

26 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
MaChevrons opinda muhondo

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika cheCricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo svondo rino apo chichatanga kubandana necheIreland mumitambo mishanu yeTwenty20 International Series nemitatu yeOne Day International (ODI) iyo ichange iri yeInternational Cricket Council (ICC) Men’s Cricket World Cup Super League.

Mitambo yeICC Super League ndeyekurwira tikiti rekuenda kuICC Cricket World Cup iyo ichatambirwa kunyika yeIndia mugore ra2023.

Zvikwata zvichapedza zviri pamusoro muTop 8 zvinobva zvabudirira kuenda kuWorld Cup asi zvinosara zvinenge zvave kuenda nenzira yekutamba mimwe mitambo yemaqualifiers iyo inozorongwa patsva neICC.

Saka maChevrons ari kutofanirwa kuhwina mitambo yawo yeSuper League kuti agowana tikiti rekuenda kuWorld Cup.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket (ZC), mutauriri weZC Darlington Majonga anoti maChevrons achatanga kutatsurana neIreland musi weChishanu kuClontarf uye mimwe mitambo ichatambirwa kuBready kunyika iyi.

“Chikwata chedu chemaChevrons chiri kupinda muhondo necheIreland mumitambo mishanu yeT20 series nemitatu yeODI uye yeODI ichange iri yeSuper League yekurwira kuenda kuWorld Cup.
“Mitambo iri kutanga Chishanu chino chatakatarisana nacho uye ichatambwa mazuva anoti 27 na29 Nyamavhuvhu kozoti mimwe ichatambwa musi wa1, 2 na4 Gunyana.

Mitambo yeODI ichazotambwa mumazuva anoti 8, 10 na13 Gunyana,” anodaro Majonga.
MaChevrons paanopedza kutatsurana neIreland, anobva ananga kuEdinburg kuScotland uko zvikwata zviviri izvi zvichasangana mumitambo mitatu yeT20 ichatambwa mumazuva anoti 15, 17 na19 Gunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>