MaChevrons orongera Ireland

17 Dec, 2023 - 15:12 0 Views
MaChevrons orongera Ireland Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons svondo rino chiri kutamba neIreland mumitambo yeOne Day International (ODI) zvichitevera kupera kwakaita yeTwenty20 International Series.
Zvikwata zviviri izvi svondo radarika zvaitamba mitambo yeT20 kuHarare Sports Club muHarare apo Ireland yakakunda Zimbabwe 2-1.

Mumutambo uyu, maChevrons ainge asina vatambi vanosanganisira kaputeni wechikwata ichi, Sikandar Raza, uyo akatemerwa zvirango zvekusatamba mitambo miviri mushure mekunge aita hunhu husingatenderwe mumutambo.

Kushaikwa kwaRaza nevamwe vatambi vanosanganisira Sean Williams, uyo akakuvara mumutambo wechipiri musi weMugovera wadarika, kwakadzorera kumashure zvikuru maChevrons sezvo vatambi ava vakakosha.

Ireland yakashandisawo mukana uyu kutamba cricket yepamusoro-soro ndokukunda maChevrons ikahwina mitambo miviri yainge yasara ndokutora mukombe weT20.

Svondo rino, zvikwata zviviri izvi zviri kutatsurana mumitambo mitatu yeODI iyo yakatanga musi weChitatu chino kuHarare Sports Club.

MaChevrons ari kufanirwa kutorwa semvumba mumutambo uyu. Raza akadzoka muchikwata ichi zvichitevera kumbomiswa kwaange akaitwa mumitambo miviri yemaChevrons.

Mumwe mutambo wezvikwata zviviri izvi uchatambwa musi weChipiri uye wekupedzisira uchatambwa neChishanu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>