MaChevrons orongera Sri Lanka

08 Jan, 2024 - 09:01 0 Views
MaChevrons orongera Sri Lanka Zimbabwe Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chakaenda kuSri Lanka uko chichabandana neThe Lions mumitambo mitanhatu inoti yeOne Day International neyeTwenty20 International Series.

Mitambo yezvikwata zviviri izvi weODI uri kutanga musi weMugovera apo wechipiri uchatambwa musi wa8 Ndira uye wekupedzisira wozotambwa musi wa11 Ndira.

Mitambo yese ichange ichitambirwa kunhandare yeR. Premadasa International Cricket Stadium kuColombo.

Mitambo yeODI ichingopera, yeT20 inobva yatanga izvo zvichaona zvikwata izvi zvichibandana mazuva anoti 14, 16 na18 Ndira.

Uyu uchange uri mutambo wekutanga wemaChevrons achirairidzwa naWalter Chawaguta uyo akafanogadzwa pachigaro chinopisa ichi masvondo adarika zvichitevera kusiya basa kwakaita Dave Houghton.

Houghton akasiya basa zvichitevera kudzikira kwainge kwaita matambiro emaChevrons.

Kugadzwa kwaChawaguta kwakabva kwavhurira mukana kune vatambi vakaita saTapiwa Mufudza uyo ane makore 33 ekuberekwa sezvo akabva ashevedzwa kuzotambira chikwata cheODI kekutanga apo vari kusangana neSri Lanka.

Muchikwata chaChawaguta muchange mune vatambi vanosanganisira Faraz Akram uyo ari kutarisira kutamba mitambo yekutanga yeODI uye haasati ambotambira maChevrons.

Kaputeni wechikwata cheODI, Craig Ervine, akadzoka zvichitevera kukuvara kwaainge akaita apo maChevrons akasangana neIreland munaZvita, kuchiti Sean Williams akatadza kupinda muchikwata ichi sezvo akakuvara.

Sikandar Raza ndiye achatungamira chikwata chemaChevrons apo chichatamba mitambo yeT20.

MaChevrons achange achitarisira kuvatambi vanosanganisira Ryan Burl, Richard Ngarava naBlessing Muzarabani.

Chikwata chemaChevrons cheODI chichatamba neSri Lanka: Ervine Craig (kaputeni), Akram Faraz, Burl Ryan, Gumbie Joylord, Jongwe Luke, Kaitano Takudzwanashe, Kamunhukamwe Tinashe, Madande Clive, Masakadza Wellington, Mufudza Tapiwa, Munyonga Tony, Muzarabani Blessing, Ngarava Richard, Raza Sikandar, Shumba Milton.

Chikwata chemaChevrons cheT20 chichatamba neSri Lanka: Raza Sikandar (kaputeni), Bennett Brian, Burl Ryan, Ervine Craig, Gumbie Joylord, Jongwe Luke, Kamunhukamwe Tinashe, Madande Clive, Masakadza Wellington, Mumba Carl, Munyonga Tony, Muzarabani Blessing, Ndlovu Ainsley, Ngarava Richard, Shumba Milton.

Share This:

Sponsored Links