MaChevrons orongera Sri Lanka

13 Jan, 2022 - 11:01 0 Views
MaChevrons orongera Sri Lanka Lalchand Rajput

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kuSri Lanka uko chichasangana nechemaLions mumitambo mitatu yeICC Men’s Cricket World Cup Super League.

Mitambo iyi yeOne Day International ichatanga nemusi weSvondo uye mimwe ichizotambwa musi wa18 na21 Ndira kunhandare yePallekele International Cricket Stadium kuKandy.

MaChevrons ari kufanirwa kuhwina mitambo iyi yeSuper League sezvo ichizovabatsira kuti vagobudirira kuenda kumutambo we2023 ICC World Cup uyo uchaitirwa kuIndia.

Murairidzi wemaChevrons, Lalchand Rajput, anoti ane chivimbo chekuti chikwata chake chinogona kukunda Sri Lanka uye mitambo iyi yakavakoshera.

“Mitambo yose iyi yakatikoshera nekuti Super League ndiyo ichazivisa vachabudirira kamwe chete vasingazonotambe mimwe mitambo, saka zvakakosha kuti tigadzirire totanga zvakanaka.

“Ndiri munhu anozvitemba uye ndinoziva kuti Sri Lanka togona kuikunda tichitarisa kuti takave nemutambo wakanaka tichitamba mutambo wePro50,” anodaro.

Kusvika pari zvino, maChevrons akwanisa kutamba mitambo mipfumbamwe asi akangohwina miviri chete, akakundwa mitanhatu uye ndiwo akasenga ari pasi muboka reSuper League.

Rajput, uyo anove chirwara chenyika yeIndia, anoti matambiro ange achiita chikwata chake haasi kufadza nekudaro vanofanirwa kutokunya masokisi avo.

“Hatina kutanga zvakanaka mumutambo uyu, asi ndinoziva kuti nevatambi vatinavo – avo vange vachitamba zvinonwisa mvura muPro50 – tichatamba zvakanaka patiri kusangana neSri Lanka,” anodaro.

Zvakadaro, Rajput anonzi paakasvika kuSri Lanka achibva kuIndia akabatwa nedenda reCovid-19 ndokumboiswa kunzvimbo yake oga kwemazuva matatu senzira yebio-secure bubble iyo iri kushandiswa panotambwa mitambo yecricket kunyika dzose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>