MaChevrons otatsurana neIndia

08 Feb, 2024 - 19:02 0 Views
MaChevrons otatsurana neIndia Chevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinotungamirira cricket munyika reZimbabwe Cricket rakanyorerana chibvumirano neBoard of Control for Cricket in India izvo zvichaona chikwata chemaChevrons chichasangana neIndia munaChikunguru.

MaChevrons neIndia achasangana mumitambo mishanu yeTwenty20 International Series iyo yese ichatambirwa kunhandare yeHarare Sports Club, muHarare.

Muchinyorwa, sachigaro weZC – Tavengwa Mukuhlani – anoti kuuya kuchaita India kwakakosha zvikuru sezvo kuchabatsira kusimukira kwemutambo uyu munyika.

“Tine mufaro mukuru wekuti tichatamba neIndia gore rino mumutambo weT20 uyo uchave mukuru watichatamba munyika gore rino.

“Mutambo wecricket unobudirira chaizvo nekuda kweIndia nekuzvipira kwainoita saka ndinopa kutenda kukuru kuBCCI nekuuya kuzotamba neZimbabwe zvekare.

“Kukura kwakaita mutambo uyu hatikwanise kutsanangura zvizere sezvo uri kuuya panguva iyo tiri kushanda nesimba kuti tidzokere pamusoro,” anodaro Mukuhlani.

BCCI Honorary Secretary Jay Shah anotiwo: “BCCI yagara inobata chikamu chikuru mukusimukira kwemutambo wecricket pasi rese. Tinoziva kuti inguva yekuvaka mutambo uyu muZimbabwe uye Zimbabwe Cricket inoda rutsigiro rwedu panguva ino.”

India yakapedzisira kuuya muno kuzotamba nemaChevrons mugore ra2022 apo zvikwata zviri izvi zvakatamba mitambo mitatu yeOne Day International iyo yese yakahwiniwa neIndia.

ZC nguva pfupi yadarika yakagadza Walter Chawaguta pachigaro chinopisa chekurairidza maChevrons achitsiva Dave Houghton uyo akasiya basa mushure mekudzikira kwematambiro aiita chikwata chenyika ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey