Uncategorized

Machinda asadunhu oita huwori . US$40 kuti ubvumidzwe kuisa ‘tombstone’ rehama yako

10 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Machinda asadunhu oita huwori  . US$40 kuti ubvumidzwe kuisa ‘tombstone’ rehama yako

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VAGARI vekwaMambo Nyashanu, kuBuhera vanoti vari kushungurudzika zvakanyanya netsika iri kuitwa nemamwe machinda asadunhu weko avo vanonzi vari kubhadharisa mari yakawanda kana munhu achida kuisa matombo pamakuva ehama dzake.
Vanhu vekuWard 17 ne18 kwaSadunhu Mabvuregudo, VaMike Mabvuregudo, vari kuchema kuti machinda asadunhu ava vari kuita tsika yekuvabhadharisa mari inosvika US$40 kana munhu achida kuisa dombo paguva rehama yake izvo zvakange zvisipo kare.

Vanoti izvi zviri kuvashungurudza sezvo mari iyi isingawanikwe nyore.

“Zvinotishamisa ndezvekuti machinda aSadunhu Mabvuregudo anouya kwatiri achiti anoda mari iyi iri yekunze maUS$ yatisingakwanisi kutsvaga. Patinovapa mari iyi, hapana pavanonyora pasi saka zvinozotinetsa kuti iri kusvika kuna sadunhu here kana kuti kwete uye kuti zviri pamutemo here?

“Chimwe chiri kutinetsa ndechekuti machinda asadunhu mumarufu umu vave kuti vanoda chikafu chavo chakasiyana nechevamwe, zvakafanana nekutengerwa zvinwiwa nechingwa uye kutsvaga choto chavo voga nevanhu vanovabikira zvisinei nekuti munhu anenge awirwa nedambudziko uye ari pakuchema.

“Chero guva rikangotsemuka uchida kurigadzirisa vari kutibhadharisa mari,” anodaro mumwe wevagari vemuWard 18 uyo watiine zita rake.

Kwayedza yakataura nemumwe wemachinda aSadunhu Mabvuregudo, VaUpenyu Waini, avo vanotsinhira nyaya yekubhadharisa mari iyi.

“Zvechokwadi vanhu tiri kuvabhadharisa mari kana vachinge vatizivisa kuti vanoda kuvakira makuva kana kuisa matombo pamakuva. Pandaona kuti vanhu vakakuudzai vari kunyepa ndepekuti tiri kubhadharisa maUS$40, hazvisirizvo, tiri kubhadharisa maUS$25 iyo tinopira kuna sadunhu nekuti ndivo vakatituma kuti titore mari iyi kuvanhu,” vanodaro VaWaini.

VaWaini vanoti panyaya yekubikirwa pavo voga mundufu, inzira yekudzivirira kuuraiwa nevanhu vakavavenga.
“Munongoziva muhushe kune vanhu vanenge vakativenga munzvimbo dzatigere. Chikafu chedu tinobikirwa nevanhu vatinenge tasarudza uye hachibikwe pamwe chete nechevamwe. Tikadya nevamwe vanhu vanenge vakaungana togona kuroyiwa,” vanodaro VaWaini

Asi, Sadunhu Mabvuregudo vanoti havana ruzivo pamusoro penyaya yekuti kune mamwe machinda avo ari kuita huwori hwekutorera vanhu mari.

“Machinda angu ndinovatuma kuita basa rehutongi nekuchengetedzwa kwenzvimbo uye ndivo vanoshanda semaziso nenzeve dzangu pane zvinenge zvichiitika munzvimbo mandinotonga. Iyi nyaya yekuti vari kufamba vachitora mari muvanhu itsva kwandiri.

“Hakuna vanhu vandakati vabhadhare mari yose iyoyo asi kuti vanhu vanofanira kuzivisa machinda angu zvinenge zvichiitika munzvimbo neniwo ndoziva kuti ndizvo zviri kuitika. Vanhu vatiri kuripisa ndevaya vanoti vaviga hama yavo vanogara makore vasina kuvakira kana kuisa zvidhinha zvazvo vongosiya riri ivhu rakaungana pavigwa munhu nekui tinenge tichiti, ko munhu akauya akafukunura akashereketa neguva iroro hazvizoite chimiro chakanaka,” vanodaro Sadunhu Mabvuregudo.

Vanoti vachaongorora nyaya yekubhadhariswa mari kunonzi kuri kuitwa vagari vemunzvimbo yavo nemachinda avo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>