Uncategorized

Machira emidzimu, makondomu, mari mugomo rinoyera

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Machira emidzimu,  makondomu, mari  mugomo rinoyera Paradzai Muzavazi achivhundunyura zvinhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekwaMurape, kwaChinhamora, kuDomboshava, neChipiri svondo rino vakasangana nemashura — vakafumoona mugomo reko rinonzi rinoyera makarasirwa midziyo ine chekuita nehun’anga, zvipfeko zvemukati nemakondomu ane mbeu yechirume.

Kwayedza yakakwira mugomo reWedzura ndokunoona zvinhu zvakarasirirwa zvinosanganisira mapakatwa, mbira, makondomu manomwe ane mbeu yechirume akasungirirwa muchipfeko chemukati chechirume uye chakasungirirwa dumbu rebute pakati.

Zvimwe zvacho machira eretso, machira anopenya anonzi anoshandiswa nevane midzimu yenjuzu, chuma chine ruvara rwegoridhe nechichena, nekiresi dzeruvara rwegoridhe, mbira, tsvimbo dzaidarika shanu neshiri dzakagadzirwa ne”brass”.

Paivewo nezvigaro zviviri zvakagadzirwa nemiti, madishi maviri esirivha azere mupunga, makwati ezvipuka zvinowanikwa mugungwa (sea shells), magirazi ekunwira waini, zviyo zvakanyikwa, mari yekuSouth Africa, China, Zambia, Mozambique neyekuAmerica yaive yakati wandei nehumwe hungwanda-ngwanda.

Pazvinhu izvi paiva zvakare nemapepa echibvumirano chekutengeserana imba yekuVainona, muHarare, nemutengo we$175 000 uye magwaro emitero yekukanzuru emumwe chiremba wekuMarondera.

Magwaro aya akatorwa kuti agoshandiswa paongororo iri kuitwa naMambo Chinamhora.

Sadunhu T. G. Mungate Murape vanoti pavakakwira mugomo iri vakawana zvinhu izvi zvabviswa pedyo nechisipiti chiri mugomo iri, zvaiswa paruware nemumwe mukomana anonzi Paradzai Muzavazi (37) wemubhuku raMuzavazi.

Vakatsiura mukomana uyu vachiti kuita kwake kwainge kusina kururama sezvo paine mikana yekuti anogona kutakurana nemweya yakaipa.

Zvisinei, mukomana uyu anoti ainge apihwa $1,50 nevanhu kuti azvibvise uye aitoda imwe mari yekuti abvundunyure zvinhu izvi.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda vachipisa zvinhu

Muzavazi akazobvundunyura zvinhu izvi mushure mekukurudzirwa nechaunga chaida kuona achibva azotora mari yose yaivemo ndokuenda kusina ati aziva.

Sadunhu Murape vakazochaira nhare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practioner’s Association vari zvakare nyanzvi mune zvechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, avo vakazotuma Bishop Cuthbert Nyaruvenda vekereke yeSangano Dzvene Revapositori avo vakasvikopisa zvinhu izvi pamwe nekuchenura vamwe vainge vazvibata.

Bishop Nyaruvenda vanoti zvinhu izvi zvine chekuita nechivanhu uye kuti zvaishandiswa nemunhu anoshereketa. Vanoti mukomana akatora mari iyi anogona kuita rushambwa.

Sadunhu Murape vanoti vari kushushikana nekatsika kekurasirirwa kwezvinhu zvine chekuita nekuromba mudunhu ravo.

“Dambudziko rekurasirirwa kwezvinhu munzvimbo dzinoyera semumakomo nezvisipiti zvemuDomboshava rakura zvichitevera kuwanda kwevarapi vechivanhu nevemachechi vemanyepo avo vanenge vachida kubira vanhu mari neupfumi hwavo. Vazhinji vanobva kuHarare vachikwira makomo edu anoyera muchihwande.

“Chisipiti chiri pano chinoyera, hachipwe mvura kubvira pasigare uye ndimo mainwa mhondoro dzepasi. Asi vanhu vave kuita matakanaka vachirasira zvinhu zvavo,” vanodaro sadunhu.

Vanokumbira veruzhinji kuti vavabatsire mukuronda nhunzvatunzva dziri kupinda munzvimbo yavo dzisina mvumo.

“Hatirambidze vanhu kunamata kana kupira midzimu yavo nekuti tiri munyika yakasununguka. Asi zvakakosha kuti vanhu vatange vasuma hutungamiriri hwenzvimbo.

‘‘Munguva yadarika, kune mupositori akarohwa nemheni achinamata, vamwe vake vakatiza. Tisu takazoona nhamo yekutsvaga hama dzake,” vanodaro.

Sabhuku Chenjerai Robert Mandiko Masine vanoti vakaziviswa nevavakidzani vavo maringe nezvinhu zvakarasirirwa mugomo rinoyera izvi vachibva vazonosuma sadunhu.

“Tangozoshamisika kuona zvimwe zvinhu zvisisipo serimwe dhishi range riine mupunga nemuti weMutatarimbo,” vanodaro.

Sabhuku Nicodimusi Zimbiru vanotiwo gomo reWedzura rinoyera.

“Chisipiti ichi chinoyera, hachaiendwa nesipo uye vanhu vainwa mvura nemashizha emuzhanje kana matemhe ematamba.

‘‘Asi nhasi uno ndiro nemidziyo mitema zvava kushandiswa kureva kuti chivanhu chafumuka,” vanodaro.

Robert Togara anoti nzvimbo yavo yava kukanganiswa nemaporofita nen’anga.

Tawanda Ngomalalila (30) anotiwo aya mabasa avanaTsikamutanda.

VaSolomon Chisango (47) vanoti chipfeko chemukati nemakondomu ane mbeu yevarume zvinoratidza kuti pane mudzimai anoda kusunga murume wake.

“Aya mabasa emadzimai asingagoni kubata vanababa zvakanaka, nokudaro vanoedza kuvasunga. Ndatodzidza kuti makondomu akashandiswa hatifaniri kusiya madzimai achiarasa nekuti anofuma ava kun’anga,” vanodaro.

Mai Farai Maitera (38) vanoti aya mabasa ehurombwa nekuti hakuna n’anga inosiya mari yakawanda kudai mudondo.

Jesca Takuranabwa (36) anotiwo gomo iri rinoda kuchenurwa uye madzishe anofanira kupa zvirango zvakasimba kuvanhu vanongokwiramo vasina mvumo.

Gore rapera, munzvimbo imwe chete iyi, mubhuku raChidamba kune zvipfeko zvemukati zvechirume nemachira emagemenzi echipositori zvakaonekwa zviri muchisipiti chinonzi Siriro.

‘‘Ndikozve kune gomo makawanikwa muine hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro nemabakatwa ainge akabairirwa pasi.

Share This:

Sponsored Links