Uncategorized

Madhumeni akapihwa mamasiki 4 000

10 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Madhumeni akapihwa mamasiki 4 000 Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI inoita nezvekurima, yeSyngenta yakapa rubatsiro rwemamasiki anoshandiswa kudzivirira chirwere cheCovid-19 kubazi reAgritex kuti azoshandiswa nemadhumeni anoshanda nevarimi, kunyanya mukutsigira chirongwa chePfumvudza.

Vachitaura nemusi weChina svondo rapera pakutambidzwa kwerubatsiro urwu, VaTawanda Mangisi — avo vanova marketing manager kuSyngenta — vanoti chirongwa chePfumvudza chiripo pakutsigira nyaya dzekurima kwakanaka kuvarimi vekumaruwa, kunyanya kusingakanganise mamiriro ekunze nenharaunda.

“Mamasiki aya achabatsira mukufambiswa kwechirongwa chePfumvudza uye seSyngenta, takaendesa mbeu kuchirongwa chePresidential Input Scheme. Tine mbeu itsva zvekare dzinotivirira muzuva uye tinovimba dzichaita kuti varimi vawane goho guru muchirongwa ichi. Varimisi vanodawo kuchengetedzwa nekuti nyika yedu inosimukira munyaya dzeupfumi hwayo kuburikidza nekurima. Ndiko kusaka tabatsira nemamasiki aya kuti vakwanise kuzvidzivirira munguva ino yechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Vanoti madhumeni vakangofanana nevarapi nekuti vanoshanda nevanhu vakasiyana-siyana nokudaro vanoda rutsigiro rwekuchengetedzwa kuutano hwavo.

“Takaona zvakakosha kuti tipindire munguva ino apo nyika yakatarisana nedenda reCovid-19 mukutsigira madhumeni nebasa ravanoita rekufundisa varimi vedu. Takwanisa kupa mamasiki 4 000 ayo vachashandisa pavanenge vachifamba vachiita mabasa ekutsigira varimi munharaunda dzakasiyana munyika. Izvi zvichabatsira kuti chirongwa chePfumvudza chibudirire,” vanodaro VaMangisi.

Dr John Basera, avo vanova munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa, vanoti zvakakosha kuti varimi nemadhumeni vatsigirwe mukurwisa Covid-19.

“Hatingokurudziri kupfekwa kwemamasiki bedzi, asi zvinofanira kushanda pamwe nekushambidza maoko uye kuregedza kuungana. Varimi nevarimisi vanhu vakakosha zvikuru muchikamu chedu chekurima nokudaro hatidi kurasikirwa navo pamusana pezvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa. Upfumi hwenyika yedu neraramo yeruzhinji zvakabatwa nekurima,” vanodaro.

Dr Basera vanoti gore rino chirongwa chePresidential Input Scheme chichange chichinyanya kutarisa gwara rePfumvudza.

Kusvika pari zvino, varimi 71 500 vakadzidziswa pasi pechirongwa chePfumvunza nechinangwa chekuda kuona kuti nyika yawana chikafu chakakwana, kusanganisira chekutengesa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>