Uncategorized

‘madzibaba steven zimuroyi’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘madzibaba steven zimuroyi’

Kwayedza

Matombo ake handi muteuro’ ‘Tinoona zinyoka, tumadhara’

Kingstone Mapupu
PANE mhuri yekuGandavaroyi, kuGokwe iri kuti pamusha payo hapachagarika kubva pavakanopihwa muteuro nemumwe muporofita ane mukurumbira wekuChitungwiza sezvo vava kugaroona zinyoka, zvivanhu zvipfupi zvinoridza mheterwa zvichitinha janha remombe, imbwa nekatsi dzakawandisa.

Vanhu ava vari kuti “ma1” akatanga kubva apo vakapihwa matombo matatu nehoko semhiko dzemuteuro kumasowe emumuporofita Madzibaba Steven Mugariri kuChitungwiza.

Mhuri igere kwaChireya iyi inoti yakaenda kumuporofita uyu ichida kunoshandirwa mushure mekunge yafirwa nevabereki.

Nekuda kwezvava kuitika kwavari, vamwe vemhuri iyi vava kufungira kuti vakaberekeswa kana kuti vakapihwa mhiko dzehuroyi.

Zvisinei, Madzibaba Steven (41) anotsinhira kuti chokwadi pane mashiripiti ari kuitika mumhuri iyi achiti; “Ehe, zviri kuitika, zvinhu zvavo zvava kuvadzokera. Ndakavaitira go back to sender.

“Ndava kutononamata izvozvi kuti zviwedzere, kana kakapetwa katatu. Ndivo vakazvitsvaga.”

Mamwe emasaramusi anonzi ari kuitika pamusha apa kuona zinyoka rinodarika nepo richibva nekumadokero richienda kumabvirazuva, izvo zvinoitika kamwe chete pasvondo.

“Kubvira ndakagara handisati ndakamboona nyoka yakakura zvakadaro, tinotonyatsoiona asi tinotya kuitanga kuti tiiuraye.

“Mumba chaimo unogona kuona makazara mhuka dzatizingazive kuti dzabvepi – danga remombe, imbwa kana katsi dzatisingamboona muraini medu.

“Midziyo inongogwedemutswa tichinzwa mazwi evanhu vanotaura, hanzi Lydia, bhagidhi rehupfu kana 2kg yesauti zvinopera ne2 days, haa tatambura. Kufa kuri nani,” VaTichaona Nyakundivenga (42) vanoudza Kwayedza vaine mudzimai wavo Melody Machivenyika (39).

“Semhuri, takafirwa nababa naamai zvisina tsarukano apo vakashaika vakatevedzana mushure mekungorwara zvishoma vachirohwa nemamhepo. Nekutsvagawo kubatsirwa, takazoenda semhuri kwaMadzibaba Steven, kuChitungwiza ndokunoporofitwa. Apo vakagona chaizvo.

“Tichingosvika, vakatiporofita kuti vabereki vedu vakafa pasina kurwara, isu tikati hekani waro tauya chaipo panobatsirwa. Takazopihwa miteuro yematombo matatu ayo takaenda nawo kumusha tikanzi tipote tichiazora mafuta enzungu necooking oil chaiyo yekutenga mazuva ose tichizogeza mvura yataiisa matombo aya,” vanodaro VaNyakundivenga.

Melody Machivenyika

Vanoti miteuro yenhombo kana kuti matombo matatu iyi vakanzi vaise rimwe dombo pamusiwo wemba yekubikira, rimwe kuchikuva, retatu rogara mumba yavanorara.

“Kwangodarika mazuva matatu tatanga kutevedza mhiko idzi, takanzwa pamba pachifambwa nekutaurwa nevanhu vatisingaone. Tinonzwa mazwi evarume neevakadzi uye paine mumwe anoshevedzwa achinzi Lydia, hamheno kuti Lydia wacho ndiyani. Unogona kungofumoona tsoka dzakatsika chivanze chemusha wose,” vanodaro.

Vanoti pane tuvarume tupfupi tuviri tunosvika pamusha pavo tuchitinha gurusvusvu remombe chena nenhema dziine mhuru dzakawandisa. Tuvanhu utwu hatutaure navo, sekutaura kwavo.

“Isu pamusha pano hatina mombe, asi dzatinoona dzinozara chivanze chose. Dzinouya dzichitinhwa nevarume vapfupi vanongoridza mheterwa nekudzikuza. Tinotodziona, dzozongonyangarika.

“Nyokawo inodarika nepano kamwe chete pasvondo. Yakakura zvekuti hatikwanise kuiuraya,” vanodaro VaNyakundivenga.

VaNyakundivenga vanoti kana dziri imbwa, dzinouya dzakawanda zvikuru, dzichingopesana musha wose “asi hadzitirume, dzinozobva mushure mekunge dzarwisana pachadzo”.

“Svondo rakapera chairo, takatiza pamusha tikasiya imbwa idzi dzichirwa zvekuburitsana ropa muviri wadzo wose. Dzinongoerekana dzazara pachivanze nemudzimba dzichingohon’a,” vanodaro VaNyakundivenga.

Zvose izvi ndizvo zviri kunzi naMadzibaba Steven zvichatowedzera kakapetwa rutatu.

Pamusha apa, vanodaro VaNyakundivenga, vanoonawo moto unobvira mudzimba dzavo sewechipoko chichipinda mudzimba nekutenderera chivanze.

“Takadzima mwenje, mumba munogona kuchena nemoto unorakidza kuti chipoko. Unozongodzima kana kubuda kwapera chinguva.”

Mambo Chireya

VaNyakundivenga vanoti vave kurara mumba imwe chete nevana nemunin’ina wavo nekutya zviri kuitika izvi.

“Musha wedu wave kutyisa kugara, tave kutoona zvakanaka kunogara zvedu musango. Dai pasina kuti tine vana, ini navamudzimai taitiza musha wosara zvawo rava dongo. Tapedza mari kufamba tichida kugadzirisa dambudziko iri asi zvinonzi hapana chiri kuonekwa,” vanodaro.

Vanoti vari kutya kudzokera kwaMadzibaba Steven kunovataurira kuti muteuro wavo wavapinza mudambudziko.

“Isu tinoti hamheno, dzimwe nguva Madzibaba Steven vakatipa miteuro yekuromba kana kuti zvidhoma nezvikwambo nekuti zviri kuitika kumba kwedu zvakaoma. Tinotya kuti tikadzokera kwaari anonowedzera matambudziko edu aya.

“Vamwe vanhu havaone zvinhu zvatioona izvi, zvinoonekwa nesu chete,” vanodaro VaNyakundivenga.

Asi Madzibaba Steven ari kuti, “Ndinovamiriri, vachadzoka zvavo.”

Rimwe dambudziko, VaNyakundivenga vanoti vanorota vachishinha nevanhukadzi vavasingazive, zvimwe chetewo zvinoitika kumudzimai wavo uyo anoti anorota akarara nevarume vakawanda.

“Tinofuma takaneta zvikuru mushure mekurota tichiita bonde. Zvose izvi zvakatanga tabva kwamadzibaba ava,” vanodaro.

Mhuri iyi inoti yave kugara nenzara sezvo kudya kuri kutorwa nezvinhu zvavasingaone izvo zvavanoti zvidhoma.

“Tave kugara nenzara sezvo tichishaya kudya mumba. Bhagidhi rehupfu rinoita mazuva maviri isu tichingova vanomwe chete. Nyama chaiyo tinoishaya mumba zvose nesadza ratinenge tasiya. Kana 2kg yesauti haigare, mazuva maviri inenge yapera. Tikanobvunzira tinonzi takashinhirwa,” vanodaro.

Mai Machivenyika vanoti vave kutofunga zvekudzokera kumusha kwake nekuda kwezviri kuitika kwavari izvi.

“Ndashungurudzwa zvekuti vabereki vangu vave kuti ndidzoke zvangu kumusha kwangu. Ndichaguma ndafa,” vanodaro.

Mhuri iyi inoti yaronga kunomhan’arira Madzibaba Steven kwaMambo Chireya kuti vatsikinure mhiko dzavanonzi vakavapa idzi.

Uku Madzibaba Steven anotiwo hapana chaanotya, akazvipira kuenda kudare ramambo.

Vabereki vemhuri iyi vanonzi vakatama kubva kuGuruve vachinogara kuGokwe nechinangwa chekutsvaga minda yakakura, uko vakazonoshaikira.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (49), vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kudare ravo.

“Dare rangu harina basa kuti muporofita here kana kuti in’anga, tinoshevedza vedu vatinoshanda navo kana paita kupumhana huroyi mativi ari kunetsana ochenurwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links