Uncategorized

Madzibaba vakati chii kuna Chaminuka?

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

naIgnatius Mabasa
PAMARARAMIRO edu pachinyakare, midzimu nemhondoro zvaive mapristi aisvitsa zvichemo zvevanhu kuna Mwari/Musikavanhu. Neniwo kumusha kwedu hari dzedoro nezviyo zvaiendwa nazvo mugomo nemasvikiro achinokumbira mvura.MuBhaibheri, mupristi munhu anopa zvibayiro kana zvipiriso (ndiye anopira). Nyaya yaJohani Masowe yataive nayo svondo rapera yakaburitsa kuti mhondoro kwaNevanji kunyika yeMhondoro ndidzo dzakazivisa kupera kana kuti magumo emanamatiro evanhu vatema ekupira kumidzimu.

Hatirambe kuti tiri vanhu vatema vainamata Mwari kubudikidza nemasvikiro nemhondoro. Takanga tisina chechi. Chechi dzedu dzaive mapira, uye taive nevanhu vaibata basa rekutaura naMwari vakaita sana Machakanja, Chaminuka, Goronga naMatangira.

Kana ari Chaminuka aizivikanwa nekunayisa mvura, kutaura nemhuka, kufembera nekuita zvishamiso zvizhinji. Asi Johani Masowe akazoudza mweya yemhondoro nemasvikiro kuti basa razvo rakanga rapera.

Akati, “Goronga naChaminuka, ndamira pamuganhu.”

Goronga naChaminuka yaive mweya yemhondoro huru.

Muganhu unoreva panoperera chinhu changa chiripo. Nesuwo nhasi hatichaenda kumasvikiro kuti vatisvitsire zvichemo nezvibayiro zvedu kuna Mwari. Zvibayiro zvedu muTestamende Itsva zvave zvibayiro zvemweya.

Bhaibheri pachezvaro rinoti, “Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.”

Kare kanotaurwa neBhaibheri kwakanga kune mapristi akawanda. Midzimu, masvikiro, n’anga nemhondoro. Asi nekuti vaifa, vakanga vasingagone kuramba vachimiririra vanhu kuna Mwari. Asi nekuti Jesu mupenyu nekusingaperi, hupristi hwake haugume.

Saka vese vanoda kutaura naMwari kubudikidza naye anovabatsira pasina doro, mbira, bute kana ropa remombe nembudzi.

Jesu mupristi mutsvene uye asina chipomerwa. Ichokwadi kuti masvikiro aisada tsvina dzehupombwe, ruvengo nehuroyi, asi haangafananidzwe naJesu.

Nyangwe mhondoro dzaisvitsa zvichemo kuna Mwari kudenga, idzo dzakanga dzisina kubva kudenga saJesu.

Ndizvo zvakaita kuti mhondoro yaive mubira repaNevanji itaure kuti mubira maive nemunhu akanga atumwa naMwari. Akanga asiri Jesu asi akanga atumwa kuti vanhu vatema vawane nhaka yavo kudenga.

Nhasi uno isu taisimbove vanhuwo zvavo tavewo mapristi, uye Jesu ndiye muenzaniso wehupristi hwedu.

Tinofamba sekufamba kwaakaita nekurarama sekurarama kwaakaita. Kurarama ndiJesu.

Tinoona zvibayiro nezvipiriso zvemweya zvakaitwa naJesu paaive panyika.

Jesu akapa vanhu vaive nenzara zvekudya, akaporesa vakanga vachirwara.

Jesu akashandira vanhu, akavadzidzisa nezvehumambo hwedenga. Asi pakupedzisira, Jesu akaita iye chibayiro chedu kuti parege kuramba pachidiwa zvipiriso zvedoro neropa remhuka.

Nhasi uno zvatave mapristi nekuda kwaJesu, hatifanire kunamata vamwe vanhu tichiti ndivo vane minamato inonzwikwa naMwari.

Newewo uri mupristi. Zvawave mupristi, haisi nyaya yekuti uzvide kana kuzvitora sekuti wakakosha kudarika vamwe vanhu.

Hupristi hwako hunobva kuna Jesu, saka vanhu ngavaone Jesu mauri. Mbiri haisi yako, ndeyaJesu. Chiporofita chenhema chisinganongedzere vanhu kuchiyedza chaJesu chinoda kutizwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>