Uncategorized

MADZIMAI 21 NEVANA 100

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
MADZIMAI 21 NEVANA 100 Sekuru Kafela

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME n’anga anogara muUnit J, kuChitungwiza asi kumusha achibva kuMalawi, anoti haana chekumirira – ava nemadzimai 21 nevana vanodarika 100 uye achiri kutoda vamwe.

Sekuru Amos Kafela (76) vanoti vasara nemadzimai makumi maviri nemumwe mushure mekunge vamwe vashaika kana kuti vadzokera kumisha yavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vanotodada nazvo — kuita vana vanodarika zana nevakadzi vakawanda kudai vemuZimbabwe, Malawi, Mozambique neZambia.

“Ini ndakaroora vakadzi vanodarika 20 muupenyu hwangu, iye zvino pano ndine 21 nekuti vamwe vakazofa uye vamwe vakaenda nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Ndine vana vanodarika 100 vanosanganisira vandinogara navo pano vanokwana 85, vamwewo vakaenda nanaamai vavo vemuno.

“Ndine vamwe vana zvakare vakasara kuMalawi, kuMozambique nekuZambia,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoenderera mberi: “Ndinovachengeta zvakanaka vachidya vachiguta. Panyaya yekugutsa madzimai angu mumachira musandityire, ndakabikwa. Kana muchida vabvunzei.”

Murume uyu anoti akamboshanda muchiuto kuMozambique nemuno.

Chibayamoyo chaSekuru Kafela chitsva — Chipo Kawosa (20) — achangosvika sezvo vakamutora munaNdira gore rino. Ndiye wechi21 pavakadzio vavainavo.

“Ndine kadiki kandakaroora manje-manje, svondo rakapera paseri, ndiye wechi21. Asi pane varipo ivava, 4 vacho vari pamushika-shika wekusununguka vamwe vana izvozvi.

“Ndinewo madzimai mana ane vana vacheche, vana vacho vasvitsa mwedzi nechidimbu vazvarwa. Handina vana vanotambura, vose vanoenda kuchikoro vachidya zvavanoda,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti mudzimai wavo wekutanga vakamuroora mugore ra1977 apo vaiva kuMalawi, ndokuzoroora mumwe muZimbabwe muna1980.

“Tikaverenga mushe bhaibheri reOld Testament unoona kuti vanaKing Solomon vaiva nemadzimai aidarika 500 vachigara navo pasina dambudziko. Ndizvo zvandiri ini, ndinoenzanisa madzimai angu pane zvose.

“Vahosi ndiElina Kafela, vachitevedzerwa naKumbirai Kafela, kwouya Violla Chakabva, Joice Masunda, Marita Katemauswa, Stembeni Chipunza, Marbel Magwenzi, Rosa Chinaka, naMariyati Dhaiti,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti mamwe emadzimai avo ndiFungai Jonga, Grace Kafela, Mancube Kafela, Janet Jontawu, Febby Chakabva, Janet Gasela, Chipo Kawosa, Getrude Chin’ono, mumwe akangozivikanwa saMai Patty, Mai Knowledge, Chiune Dhaiti naChipo Kawosa.

 

“Pamadzimai angu, vatatu ndivo vakashaika. Ndinoziva muchandibvunza kuti ndiri kuvagutsa here uye ndinozvifambisa sei. Ini ndakabikwa zvekuti husiku humwe chete ndinogona kuchinjanisa dzimba shanu kana kusvika nonwe. Kureva kuti pamajuti angu pamazuva matatu chete ndinenge ndatenderedza dzimba dzangu dzose.

“Ndinogara navo vose padzimba dzangu uyewo ndine dzimwe dzimba mbiri muno muChitungwiza,” vanodaro Sekuru Kafela.

Madzimai avo anobika pamwe chete vachipakurira pakasiyana kuburikidza nevana vavo asi ivo vose vachidya pamwe chete.

“Chekudya chepano chinobikirwa mumazibhodho, chopakurwa vachipanana majuti anopihwa navahosi. Saka vanotenderedzana vose kundipa kudya nemvura yekugeza muviri zuva roga-roga.

“Zviya zvekunzi kune vana vakomana vakuru vanoguma vave kupindira madzimai angu madiki, hazvife zvakaitika kwandiri nekuda kwemhiko dzandiinadzo,” vanodaro.

Mudzimai woga-woga vanoti vane mutemo wekuti anogara nemari yake isinei nababa.

“Vana vangu vanoenda kuchikoro i40 vekupuraimari ne30 nevekusekondari, vanowana zvose zvavanoda. Vari kubhodhingi i7 izvozvi vekusekondari.

“Ndine vazukuru 40 vandinogara navo pano sezvo varoora vari pano zvakare. Mwana wose anoenda kuchikoro pazuva anopihwa $10 yekunodya neimwe yekukwirisa makombi nezvimwe nekutakura kudya,” vanodaro.

Panyaya yekutapurirana zvirwere zvepabonde, Sekuru Kafela vanoti kwavari hakuna zvakadaro sezvo vakagadzira madzimai avo kuti vasaite gumbo mumba gumbo kunze.

“Ini nemadzimai angu tinogara tichiongororwa nemachiremba, tose takachena. Vanouya pano madoctor echichena kunyangwe ini ndiri chiremba,” vanodaro.

Mai Kumbirai Kafela (56), mudzimai wechipiri pabarika iri, vanoti havana dambudziko nechipari chavo sezvo vachiwana zvose kubva kumurume wavo.

Mai Elina Kafela (58) vanova vahosi vanotiwo vanogara vachiita dare voga semadzimai rezvinodiwa pamusha pavo nemurume nekupanana tsika dzekuti vasashorese musha wavo nemhuri.

“Ini ndini ndinotonga kumadzimai sezvataurwa nababa. Tinotaura toga semadzimai tichisimbisana kuti tisanyadzise mutsika dzedu. Kana utsanana tinodzidzisana, hapana anoitira mumwe shanje nekuti tose tinopihwa zvinokwana.

“Izvo zvekuti baba vacharamba vachiwedzera mamwe madzimai, kuda kwavo kana vachizvikwanisa hatigone kuvadzivisa,” vanodaro.

Chikafu chinodyiwa pamba apa pazuva chinosanganisira 30 kg hupfu, 36 marofu echingwa, zvigubhu 7 zvemukaka, 8 kg shuga, 4 kg majarini, 2 kg sauti uye nyama vanouraya mombe pamasvondo maviri kubva kupurazi ravo riri kuBeatrice.

“Chichemo changu, ndine purazi apo pane mvura asi rave diki saka ndinoda rakakura. Mhuri yangu inoenda ichinorima yose, ikoko kune dzimba dzinokwanira,” vanodaro Sekuru Kafela.

Vanoti vakawanawo musha kwaNemangwe, kuGokwe.

“Ndine musha kuGokwe nepurazi kuBeatrice uko kune mombe dzakawanda zvikuru uyewo tinorima zvose zvatinodya pano.”

Kunze kwekuita madzimai, vana, vazukuru nevaroora vakawanda, murume uyu ndiye wekumbobuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achiti anogadzira, kutengesa nekutumira mheni.

 

. Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino kunhare dzinoti 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>