Uncategorized

‘Madzimai eZimbabwe shainai’

27 Jun, 2022 - 17:06 0 Views
‘Madzimai eZimbabwe shainai’ Vamwe vaivepo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vari kutenda Hurumende nekudzika mitemo inobatsira mukukwidziridzwa kwevanhukadzi, zvikuru munyaya dzedzidzo, vachiti izvi zviri kuratidzwa nekusimukira kuri kuita madzimai vakawanda munyika.

Vanoti kune vanhukadzi vakawanda vava muzvigaro zvepamusoro munyika muno.

Vakataura izvi mumashoko avo apo vaive vakamirirwa nemutevedzeri wavo, Cde Kindness Paradza, pamabiko ekutambidzwa kwezvitupa zvebudiriro kumadzimai ari mumabasa ekufambiswa kwemashoko mumakambani akasiyana eWomen in Public Relations and Communications Awards muHarare neChishanu chadarika.

“Ndinoda kukutendai madzimai ose mauya pano kuzogamuchira mibairo nezvitupa zvenyu muzvikamu zvakasiyana. Zvinoratidza kuti muri pamberi mukukwikwidzana nevarume.

Senator Mutsvangwa

“Munoratidza kuti muri kuzvigona, ndinoda kukukurudzirai kuti murambe muri pamberi mukubata mabasa enyu zvinova zviri kubatsira mukusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti mumakore akawanda adarika, vanhurume ndivo vaitora zvigaro zvepamusoro mumabasa kana zvichienzaniswa nevanhukadzi.

“Hatidi vachiri kutora madzimai sevanhu vakangomirira kuita mabasa emukicheni asi tinoda kuti vawanikwe varimo mumahofisi makuru vachiratidza hunyanzvi hwavo. Kuvandudza dzidzo yako semudzimai nguva nenguva kunodiwa nekuti kunokudza zvekare pfungwa dzako zvekuti kunyangwe paye paunenge uchitaura unobuditsa mashoko anovaka nyika, ane hudzamu zvekuti munhu wose anokuterera,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Sachigaro wesangano reWomen in Public Relations and Communication Zimbabwe, Muzvare Ropafadzo Gwanetsa vanoti vanofara kuona vanhukadzi vakawanda vachisimukira mumapoka nemumakambani akasiyana munyaya dzekufambiswa kwemashoko kwakanaka.

Mashoko avo anotsinhirwa naMuzvare Marjorie Mutemererwa vanova mukushi wemashoko kukambani huru inouchika mbeu yeSeed Co Zimbabwe vachiti kufambiswa kwemashoko nenzira yakanaka kunoita kuti makambani abudirire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>