Uncategorized

Madzishe, machechi vofambisa mashoko

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Madzishe, machechi vofambisa mashoko Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
HERUMENDE yakatora mamwe mapoka anosanganisira madzimambo, masadunhu nevakuru vemachechi kuti vave muchikamu chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (Covid-19 Taskforce) nechinangwa chekuti mashoko ari pamusoro pedenda iri asvike kuvanhu vose.

Vachipindura mubvunzo mudare reParamende nemusi weChitatu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende iri kutora matanho ose anokodzera nedonzvo rekuona kuti vanhu vemuZimbabwe vadzivirirwa kuti vasabate chirwere ichi.

Mumiriri weGutu South, Cde Pupurai Togarepi, vainge vabvunza kuti Hurumende iri kuita sei panyaya yekuti mashoko ari pamusoro peCovid-19 asvike kuvanhu vose.

“Handi isu chete nyika yakanganiswa nechirwere ichi uye tiri kudzidza kubva kune zviri kuitwa nedzimwe nyika. Tiri kuudza vanhu vedu kuti vagare kudzimba uye vasangofamba-famba.

“Takatorawo mamwe mapoka akadai sevatungamiriri vematunhu nevemachechi senzira yekuti mashoko asvike kune veruzhinji. Tine muzinda zvakare unoridzwa nhare pachena (toll-free centre) uyo munhu anokwanisa kubvunza zvaanoda achishandisa mutauro wake,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vakatsanangura pamusoro pematanho akasiyana ayo atorwa neHurumende kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19, kusanganisira chirongwa chekuti veruzhinji vasangofamba-famba (lockdown) nekuvepo kweInter-Ministerial Taskforce iyo ina Vice President Kembo Mohadi sasachigaro wayo, pakati pezvimwe.

Taskforce iyi ine basa guru rekuona kufambiswa kwebasa mukurwisa kupararira kweCovid-19 uye mikaha inenge iripo.

Basa rayo rinosanganisira kuunganidza mari munyika muno nekunze yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Zimbabwe pari zvino yave nevanhu 530 vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 uye pavarwere ava, 123 vakanaya asi vamwe vatanhatu vakafa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>