MaGems otarira mberi

02 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
MaGems otarira mberi MAGEMS akabva kuhwinha tikiti rekuenda kuNetball World Cup 2023

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTUNGAMIRI wevatambi vechikwata chenyika chenetball chemaGems, Felisitus Kwangwa, anoti gadziriro dzekuenda kuWorld Cup gore rinotevera dzinotanga iko zvino sezvo vanoda kunorwa semvumba kumutambo uyu.

MaGems akadadisa nyika zvekare svondo radarika zvichitevera kuhwina kwaakaita tikiti rekuenda kuNetball World Cup 2023 iyo ichatambirwa kuSouth Africa.

Chikwata chenyika ichi chiri kudzokera kumakwishu aya uko chakamboenda mugore ra2019 kuLiverpool, kuEngland.

Muhurukuro neKwayedza, Kwangwa anoti zvinhu zvinofadza kutungamirira nyika yake kumutambo mukuru uyu.

“Ndinonzwa manyukunyuku kupihwa chiremerera ichi chekutungamira nyika yangu kumutambo mukuru uyu.

“2019 ndaivepo zvekare ndiri mutevedzeri waPerpetua Siyachitema saka kupihwa mukana wekutungamirira nyika yangu chiremerera chikuru uye ndinotenda.

“Sechikwata, ndinovimba kuti tichanotamba zvinonwisa mvura kuWorld Cup nekuti takambokuenda uye tave kuziva zvinodiwa kuti tigohwina,” anodaro.

Kwangwa, uyo anotambira chikwata cheSurrey Storm kuEngland, anoti murwendo rwavo kuenda kuWorld Cup vanoda kutamba mitambo yehushamwari yakawanda sezvo ichibatsira zvakanyanya mugadziriro dzavo.

“Kutanga iko zvino tinofanirwa kutamba mitambo yehushamwari yakawanda yekugadzirira iyo ichatibatsira zvikuru patichaenda kuSouth Africa.

“Mitambo yehushamwari yakakosha, ndiyo yega nzira ichatibatsira mugadziriro dzedu,” anodaro Kwangwa.

MaGems akabudirira kuenda kuWorld Cup zvichitevera kupedza kwaakaita ari pechitatu mumitambo yeAfrica Qualifiers yakatambirwa kuSouth Africa svondo radarika.

Chikwata chenyika ichi chakapedza chiri kumashure kweSouth Africa neMalawi.

Kumitambo iyi, maGems akatamba mitanhatu ndokuhwina mina uye akakundwa miviri neSouth Africa neMalawi ndokuhwina menduru yebhuronzi.

Dunhu reAfrica kuWorld Cup richange rakamirirwa neZimbabwe, South Africa neMalawi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>