Ma’gym’ ngaavhurwe: Musonda

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Ma’gym’ ngaavhurwe: Musonda Clyde Musonda (kuruboshwe) aina Tinashe “Chairman” Mwadziwana kuNamibia nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Abel Ndooka 

PUROMOTA wetsiva Clyde Musonda, uyo anove maneja zvekare nemurairidzi wemutambo uyu anoti kuvharwa kwemagym kuri kukanganisa zvikuru vatambi vemuno avo vari kuenda kunorwa kunze kwenyika vasina kunyatsogadzirira. 

Svondo radarika, shasha yetsiva Tinashe ‘Chairman’ Mwadziwana akakundwa kunyika yeNamibia naNathaniel Kakololo apo vairwira bhande reAfrican Boxing Union Featherweight. 

Musonda anoti kuuya kweCovid-19 kwakakanganisa zvizhinji kuvatambi vetsiva sezvo vave kuenda kunokwikwidza kunze kwenyika vasina kugadzirira zvakakwana.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munyika muno muna Kurume gore rapera senzira yekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.   “Kukundwa kwakaita Chairman kuNamibia, haisi nyaya yekuti mutambi waakarwa naye anogona manhingi, kwete. Asi kuti Chairman haana kuwana nguva ndefu yekunyatsogadzirira. Sekuziva kwemunhu wese, iye zvino magym akavharwa uye mitambo haisi kutenderwa. Saka topedzisira tave kutsvaga dzimwe nzira dzekuti aite gadziriro dzake zvekungoti aende kunozadzikisa mitambo yake,” anodaro. 

Musonda anoenderera mberi achiti, “Asi kana mutambi ane ngura akaenda kunorwa zvinogona kurema sezvo anenge ave nenguva ndefu akangogara asiri kukwikwidza, izvo zviri kuitwa nevatambi vedu vari kuenda kunorwa kunze kwenyika.”

Vatambi vazhinji vetsiva vari kuenda kunorwa kunze kunyika dzakaita seNamibia, Tanzania, South Africa neMalawi uko tsiva iri kutenderwa kutambwa.  

 Musonda anoti dai mutambo uyu wachidzorwa muno sezvawakaitwa kune dzimwe nyika uko uri kutenderwa kutambwa asi pasina vatsigiri. 

“Tave kungochema kuti dai mutambo uyu wachidzoswa muno nekuti tinotyira remangwana revatambi vedu kuti ringakanganisike. 

“Kune dzimwe nyika uri kutambwa pasina vatsigiri. Saka  tinoona kuti muno ukadzoswa uchinzi utambwe pasina vatsigiri zvinobatsira vatambi vedu vagare vachitamba kuitira apo vakazoenda kunorwira mabhande makuru kunze kwenyika vanenge vasina ngura,” anodaro Musonda. 

Share This:

Sponsored Links