‘Majekiseni ari kutambirwa’

02 Apr, 2021 - 08:04 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti iri kufadzwa nekutambira kuri kuita vanhu chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19, kunyanya vekuVictoria Falls, uye inokurudzira veruzhinji kuti vanobaiwa.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabaiwe majekiseni aya.

“Cabinet yakaona kuti chirongwa chekubaiwa majekiseni chakatambirwa zvinofadza kuVictoria Falls. Kusvika nemusi wa25 Kurume 2021, vanhu 11 915 vange vabaiwa majekiseni aya (kuVictoria Falls) kubva pa25 000 vari kutarisirwa kubaiwa uye huwandu uhu huri kuramba huchikwira,” vanodaro.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa svondo rapera vakaparura chirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekutanga kuVictoria Falls.

President Mnangagwa vakabva vabaiwawo jekiseni rekutanga rekudzivirira Covid-19 pamwe chete nemamwe makurukota eHurumende.

Sen Mutsvangwa vanoti chirongwa chekubaiwa majekiseni aya chiri kusimbaradzwa kunzvimbo dzine njodzi huru yekupararira kwedenda iri dzinosanganisira kumiganhu yenyika.

“Iye zvino kuchange kwave kutariswa nzvimbo dziri kunyanya kunetsa chirwere ichi dzinosanganisira kumiganhu inopinda nekubuda nevanhu munyika seBeitbridge, Plumtree, Chirundu, Kariba, Forbes neNyamapanda. Dzimwe nzvimbo ndedzinoti Mutare, Harare neBulawayo,” vanodaro.

Zimbabwe nemusi weChina svondo rino yakatambira mamwezve majekiseni anodarika 1 miriyoni emushonga wekudzivirira Covid-19 kubva kunyika yeChina.

Kuuya kwemushonga uyu kwakabva kwazadzikisa huwandu hwemushonga wemajekiseni 1,2 miriyoni akatengwa nenyika ino kubva kuChina.

Kunze kwemushonga wakatengwa uyu, China yakapa Zimbabwe zvakare majekiseni 400 000 eSinopharm vaccine.

Nerimwe divi, India yakapawo nyika ino mamwe majekiseni 35 000 eCovaxin vaccine.

Izvi zvinoreva kuti kusvika pari zvino Zimbabwe yawana majekiseni anosvika 1,635 miriyoni emushonga wekudzivirira Covid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru nenhubu dziri kuita huwori hwekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabaiwa jekiseni remushonga wekudzivirira Covid-19 kuvanhu vasina kubaiwa.

“Cabinet iri kushungurudzika zvakanyanya nekuda kwekatsika kari kuitwa nevamwe vanhu kekutengesa makadhi anoratidza kuti munhu akabiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kuvanhu vasina kubaiwa.

“Pane kuferefetwa kuri kuitwa nechinangwa chekusunga nhubu idzi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zvichakadai, nemusi weChitatu mapurisa vakazivisa nezvekusungwa kwevanhu vatatu vekuChitungwiza nenyaya yekutengesa makadhi echitsotsi aya.

Share This:

Sponsored Links