Uncategorized

Makombi shandai neZUPCO: Moyo

26 Sep, 2021 - 07:09 0 Views
Makombi shandai  neZUPCO: Moyo Cde Moyo

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti iri mushishi yekugadzirisa nekuvandudza nyaya dzezvifambiso zveveruzhinji mumaguta nemadhorobha uye zvakakosha kuti pave nehurongwa hwakajeka – zvikuru panguva ino yekurwisana nekupararira kwechirwere cheCovid-19 –  nekudaro vemakombi nevemabhazi vose vanoda kutakura vanhu vanofanirwa kushanda vari pasi pekambani yeZUPCO.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu nemabasa eruzhinji, Cde July Moyo, mudare reSenate nguva pfupi yadarika apo vaipindura mibvunzo kubva kuvamiriri vedare iri.

Senator Tichinani Mavetera vanomiririra dunhu reMasvingo vakabvunza kuti sei vemakombi vasina kunyoresa pasi peZUPCO vasiri kutenderwa kufamba zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa matanho ekurwisana nedenda reCovid-19 (lockdown) nguva pfupi yadarika.

“Tinotenda Hurumende nekunyevenutsa mamwe ematanho aikanganisa kufamba zvakanaka kwemabhizimisi uye maindasitiri ose akavhura. Mubvunzo wangu kugurukota ndewekuti, tiri kuona mamwe maindasitiri ose avhura apo zvimwe zvikamu zvehupfuni hwenyika zvakavhura zvakare. Mutemo weHurumende unoti kudii maringe nemashandiro evemakombi nekuti ndivo vega vasati vapihwa mvumo yekuti vachitanga kushanda?” vanodaro.

Cde Moyo vanoti Hurumende yakagara iine hurongwa hwekuvandudza nyaya dzezvifambiso mumaguta nemadhorobha kubvira kare chirwere cheCovid-19 chisati chatanga munyika muno.

“Hurumende yakaita chisungo chekuti ngatigadzirisei nyaya dzezvifambiso mumaguta kuti zvive zvakarongeka uye izvi zvakaitwa muna2019. Takati ZUPCO, sezvo yakagara iripo nakare ichitakura veruzhinji, nechinangwa chekuona kuti hapana anorasikirwa nebasa, takakumbira vaive nemabhazi aifamba mumadhorobha nemakombi kuti vachishanda vari pasi pekambani yeZUPCO kuitira kuti vaite basa ravo semazuva ose,” vanodaro Cde Moyo.

Vanoti ongororo yakaitwa neHurumende

yakataridza kuti vezvifambiso zvinotakura veruzhinji kuBulawayo vainge vakarongeka kudarika vemuHarare.

“Zvatakaona ndezvekuti kuBulawayo vainge vakarongeka. Vaive nemipanda mitatu (co-operatives) yezvifambiso uye vaiona nezvemashandiro avo pachezvavo zuva nezuva vachiita kuti vanenge vakonzera nyonganiso vanorambidzwa kufamba.

“Patakaita hurukuro navo tikati mipanda mitatu iyi ishande iri pasi peZUPCO vakabvumirana nazvo. Vakachema-chemawo vachiti mari yavaibhadharwa yaive shoma kana zvichienzaniswa neyavaishandisa mukuita basa ravo saka takagara pasi tose tikawirirana mari yavaida ndokuvapa,” vanodaro Cde Moyo.

Vanoenderera mberi vachiti, “VemuHarare vakange vasina kurongeka zvachose – pakati pebazi redu nerezvifambiso – takaona kuti pamakombi 12 000 aifamba muHarare, 8 000 akange asina magwaro akakwana.”

Cde Moyo vanoti vemakombi vakawanda havasi kuda kunyoresa kuti vashande vari pasi peZUPCO sezviri kudiwa nemutemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 nekuti vanozviziva kuti havana magwaro anodiwa akakwana.

“Covid-19 payakauya yakabva yaita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo – apo huwandu hwevanhu vanopinda mukombi husina kunyanya uye makombi achingotakura vanhu pose-pose muguta – takati tinofanirwa kusimbaradza mutemo wacho. Izvi zvakaitwa kuburikidza nemutemo weStatutory Instrument unoona nezveCovid-19.

“Asi, tinoramba tichikumbira kuvanhu vedu kuti nyaya dzezvifambiso zvemumaguta inofanirwa kuve yakarongeka uye wese ane kombi kana bhazi rake vanokwaniswa kupinda muchirongwa ichi kuitira kuti vawane mari kubva kumidziyo yavakatenga vachishandisa mari yavo,” vanodaro Cde Moyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>