Uncategorized

Makore 15 ‘hapana, hapana’

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Makore 15 ‘hapana, hapana’ Kamupinda Mwale

Kwayedza

Kamupinda Mwale

Kamupinda Mwale

MURUME saimba wekwaNyamweda, kuMhondoro, ari kunyunyuta achiti atadza kunzwisisa hunhu hwemukadzi wake achiti vasvitsa makore 15 vasina kusangana.

Kamupinda Mwale (47), wemubhuku raMuzondo anoti kana pari panyaya dzerudo nemudzimai wake Sarudzai Urayayi (41), inongova hapana hapana.

Mukadzi waaine vana vatatu naye uyu anonzi haatomboda kunzwa nyaya dzekuti vafadzane semurume nemukadzi. Anoti dzimwe nguva mukadzi wake anomunakura achiitira kuti vasagumane.

“Ndakamuroora mugore ra1991 uye tine vana vatatu tose, wekutanga ari wa1992. Ndakaroora sezvinongoitawo vamwe kukasara pfuma shoma unova mungava kumadzitezvara angu ekuMasvingo.

“Asi zvandakaroorera hapana, wekutaurira handina nekuti tezvara vakashaya kwangosara ambuya chete,” anodaro Mwale.

Urayayi anotsinhira zviri kutaurwa nemurume wake achiti anorwara.

Mwale anoti aimboshanda pane rimwe purazi kuPeakstone, kuChegutu ari mukuru wepo, uko aisevenza nemudzimai wake.

Zvisinei, anoti akazoburitswa basa ndokusiya mudzimai wake achishanda saforomani papurazi iri.

“Ini ndava kugara kumusha nemwana wedu mudiki naamai vangu, vamwe vana vakuru vanogara kuHarare nehanzvadzi yangu.

“Dambudziko rangu nderekuti mudzimai wangu haandibvumidze kusvika kubasa kwake achiti hakutenderwe varume izvo zvinorambwa nevaridzi vepurazi iri,” anodaro.

Mwale anoti mudzimai wake akatanga kuramba kudanana naye mumachira kubvira mugore ra2001.

“Kubva 2001 takatanga zviri zvekumanikidzira, kamwe chete pamwedzi kudzimara tave kusvitsa mwedzi mitatu. Izvozvi haticharara tose zvachose, ndave kungozviraramira ndichiita chimhandaramawoko nekutsvaga pfambi kwaDzumbunu nekunharaunda yandinobva,” anodaro.

“Ini handikwanise kuenda kubasa kwake kuChegutu sezvo achiti varungu vake havabvumire varume. Asi chinonetsa papurazi apa panoshanda varume, haadi chete kuti ndisvikeko.

“Ndaimboenda zvechisimba achinditiza ndokuguma ndatsvaga kwekurara sezvo vanhu veko vachindiziva.”

Mwale anoti pane vanhu vekunharaunda inoshandira mudzimai wake vanomuridzira nhare vachimuti mudzimai wake anoita zvechipfambi izvo anoti haasati azvibata.

“Ndakamboenda neshamwari dzangu ndikanoratidzwa mumwe murume ainzi anodanana nemudzimai wangu tikamurindira kubhawa tichida kumubata asi tikamutadza sezvo asina kuenda kumba kwemudzimai wangu musi uyu.

“Hapana kuti ndine mudzimai, mbatya ndinowachirwa nekubikirwa naamai vangu pamwe chete nekamwana kedu.”

Murume uyu anoti akazivisa nyaya iyi kuvakoma vemudzimai vake avo anoti vakamuti atsvage mumwe mukadzi. “Amaiguru mukoma wemukadzi wangu akanditi ndisununguke kutsvaga mumwe mukadzi uyewo amai vangu vanotaura zvimwe chete.”

Mudzimai uyu anonzi akaenda kumusha kune murume wake, anongopedza mazuva maviri kana matatu odzokera kuChegutu ichingori hapana hapana nemurume wake panyaya dzerudo.

“Izvozvi akauya akapedza mazuva matatu kana kumugumha muviri wake handina. Akasvika pakudzokera achiti airwara uye aitobikirwa naamai vangu arere. Taimukira mumunda iye achisara kumba,” anodaro.

“Munyai wangu ndakapesana naye kare kumapurazi kwataishanda saka kwekuenda chaiko handina asi mudzimai wangu ndinomuda,” anodaro.

“Hamheno kana akandidyisa nekuti ndinomuda kunyangwe zvichiratidza kuti ari kuita zvezvikomba. Ndinotonzwa kutya kuti ndimuudze kuti handichamuda, hana yangu inorova. Kana paine vanokwanisa kundirutsisa ngavandibatsirewo,” anodaro.

Anoti pane vanhu vari kumutaurira kuti mudzimai wake ane mumwe murume waanogara naye kubasa kwake anonzi mukuru wekumugodhi uri kuPeakstone.

Zvikaramba zvakadai, anodaro Mwale, ari kuronga kunomhan’ara nyaya yake kudare raMambo Nyamweda kuti vaenzaniswe.

“Mukadzi uyu anonditi tifambe titsvage kuti chii chinodaro kuti arambe kana kugumwa neni achiti dzimwe nguva ndezvekumusha kwake. Anongoti chivanhu.”

Urayayi akataurwa naye panhare yake ndokutsinhira zviri kutaurwa nemurume wake.

“Ndinorwara, saka hazviite. Zvekuti ndinomurambidza kuuya kwandinoshanda anonyepa, murume wangu haakwanise kuchengeta mhuri yake. Sei auya kwamuri, ndimi tete vangu here kana vakoma vangu?” anodaro.

“Murume wangu ndinomuda, ndichazoita naye zvaari kuchemera kana ndapora. Zvizhinji zvezvamakaudzwa inhema uye haana kuroora. Vana ndini ndinochengeta, handina zvikomba kana kumudyisa handina. Iye ndiye murume ngaaite zvaanoda, handiti akamboroora mumwe mukadzi tikaita vaviri. Ndipo pazvakatangira,” anodaro mukadzi uyu.

“Ndine vakoma nanatete nehanzvadzi saka ngaaende ikoko anotaura nyaya yake kwete kwamuri. Kana muri shamwari yake tengeranai doro zvakanaka.”

  • Kune vanoda kubatsira Mwale vanokwanisa kumubata panhamba dzinoti 0775 812 126.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>