Uncategorized

Makore 32 achigara nenyuchi mumba

05 Apr, 2022 - 08:04 0 Views
Makore 32 achigara nenyuchi mumba

Kwayedza

Trisa Ray Sibanda

MURUME wekuLupane, uyo anonzi akabhadhara n’anga kuti imupe mushonga wekupfuma, ave kudemba mushure mekunge mushonga uyu wapanduka kuita nyuchi nezvidhoma izvo agara nazvo zvichimutambudza nemhuri yake kwemakore 32 adarika.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvakaita kuti vanasikana vemurume (zita tinaro) uyu vatize pamba sezvo zvaiuya zvichishinha navo.

Pakatiza vanasikana ava pamba, zvidhoma izvi zvinonzi zvakabva zvatanga kushinha nemurume uyu pamwe chete nemudzimai wake.

Zvidhoma izvi zvinonzi zvinoita sezvinoraramiswa nekutambudzika kwemurume uyu sezvo mhuri yake ichitambura zvakanyanya uye pavana vake vose vari vanonwe, hapana akaroorwa kana ane mwana.

Vamwe vacho vakanga vaita rombo rakanaka rekuwana mabasa asi vaizoita munyama wekudzingwa basa nenzira dzisinganzwisisike. Mari yakanga yaita murume uyu nevana vake inonzi yose yakangotsakatika. Makore apfuura, murume uyu anonzi akaedza kudzinga nyuchi idzi nekupisa wadhiropu yadzinogara asi dzakatiza ndokudzoka paakatenga imwe itsva.

Anonzi akapedzisira atama muimba yake yekurara ndokuvaka imwe.

Murume uyu anonzi akadzokera kun’anga yake ndokukumbira kuti itore mishonga yayo asi yakamuudza kuti hazvichaita sezvo asina kutevedzera mhiko dzaakapihwa kuti apfume.

Akaedza zvose kuti adzosere mushonga uyu asi zvakaramba.

Nemusi weChina svondo rapera, murume uyu anonzi akafonera Madzibaba Emmanuel Mutumwa veJohane Masowe eChishanu kuSelborne Park kuBulawayo nenyaya iyi.

Mhuri yose yakaungana kuti pamba pavo pachenurwe apo Madzibaba Mutumwa vanonzi vakavashandira.

Muhurukuro, murume uyu anodemba kuti dai asina kuenda kun’anga kunotsvaga mushonga wekuti apfume.

“Ndingadai ndisina kuita zvandakaita izvi. Vana vangu nemudzimai wangu vatambudzika nekuda kwangu. Dai ndaikwanisa kudzorera kumashure ndaiidzora.

“Nhasi ndiri kufara nekuti mhuri yangu neni wacho tasununguka. Nzira imwe chete yakanaka yekuwana nayo mari kushanda nesimba. Upenyu hauna mudimbudzirwa.

“Ndinokurudzira vanhu kuti vasashandisa mushonga kana ropa kuti vawane mari. Hazvizopera mushe,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>