Makore 54 mujeri aba mombe  

25 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Makore 54 mujeri aba mombe  

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBAVHA yaive yarura nekuba mombe kuLalapanzi kwaChirumhanzu, kuMidlands inonzi yakatongerwa kugara mujeri kwemakore 54 ichishanda zvakaomarara.

Tinodakufa Hove (36) akatongerwa mhosva dzakawanda dzekuba mombe kunzvimbo dzakasiyana nedare reMvuma Magistrate Court nguva pfupi yadarika.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands vanoti nemusi wa26 Chikunguru gore rapera, Hove akaba mombe nomwe kubva mudanga raBrenda Mushava husiku ndokudzitinha akananga kwaChivi.

Apo aitinha mombe idzi, akazoonekwa nevamwe vanhu asvika papurazi rekwaMawara kuTokwe kuLalapanzi kwekare vachibva vanyevera mapurisa zvakaita kuti asungwe.

“Mombe dzose nomwe idzi dzakawanikwa murume uyu ndokuendeswa muhusungwa achibva azoendeswa kumatare edzimhosva kuMvuma. Mapurisa akaenderera mberi nekuferefeta nyaya dzemurume uyu ndokuzobuda kuti akaba dzimwe mombe makumi matatu nembiri idzo akatengesera vanhu gumi nevaviri vekwaMambo Watungwa kwaChivi,” vanodaro Insp Mahoko.

Inspector Emmanuel Mahoko

Hove aiba mombe achitengesera vanhu kwaChivi nekuLalapanzi avo vaisaziva kuti ndedzekuba.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakabuda kuti musungwa uyu aiba mombe odzitinha kuenda nadzo kwaChivi nekuLalapanzi uko ainodzitengesa. Imwe nguva, aichinjana nevemabhucha pane mombe dzavainge vava kuda kuuraya. Mombe makumi maviri nembiri dzinokosha US$12 800 dzaive dzabiwa dzakawanikwa uye ndokukwanisa kuzivikanwa nevaridzi vadzo vatanhatu,” vanodaro Insp Mahoko.

“Hove akazopinda mudare redzimhosva reMvuma munaKukadzi gore rino nemhosva nhanhatu dzekuba mombe uye akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore makumi mashanu nemana achishanda zvakaomarara.

“Semapurisa, tiri kurumbidza veruzhinji kushanda nesu vachitipa mashoko evapari vemhosva vakadai zvinobvisa nhubu muruzhinji,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>